Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Vokurudzira Nhaurirano muZimbabwe


Pope Francis
Pope Francis

Pope Francis avo vange vachi sangana nevatungamiri veZimbabwe Catholic Bishops Conference ZCBC kuVatican vanoti zvakakosha kuti vatungamiri venyika vaite nhaurirano kuunza kugadzikana munyika.

Izvi zvaziviswa mumashoko kuvatori venhau nemutungamiri weZCBC Bishop Paul Horan vakatungamira mabishopu aya kunoita musangano naPope Francis.

VaMnangagwa naVaChamisa
VaMnangagwa naVaChamisa

Vanoti Pope Francis vakatiwo vari kunamatira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi vachiti vatungamiri vanofanira kuteerera vanhu nekukoshesa nhaurirano.

Bishop Horan vakati sekereke vakadaidzwa vakagadzirira kuita vanamutongi gava pakusawirirana kuri munyika. Kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanoti havawirirane nezvakabuda musarudzo idzi zvakashorwawo nevaongorori vakawanda.

Rimwe sangano remakereke reZimbabwe Council of Churches yakatiwo sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka uye iri kukurudzirawo nhaurirano. Vamwe vari kuda kuti nhaurirano dzitungamirwe neSADC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG