Accessibility links

Breaking News

CCC Yokurudzirwa Kuenda kuUnited Nations Kana ZRP Ikasasunga Vari Kuita Kafiramberi Nhengo DzeBato Iri


Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vakavamba sanagao reAll hands on Justice vari kukurudzira bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuti riendese nyaya dzekupambwa nekuitwa kafiramberi kwenhengo dzaro kuUnited Nations, SADC neAfrican Union kana mapurisa nematare akasatora matanho kumisa kumbunyikidzwa kwevanhu uku.

United Nations ine musangano wevatuingamiri wenyika mwedzi uno weGeneral Assembly uye mutungamiri wenyika VaEmmerson vari kutarisirwa kuuya kuNew York kumusangano uyu.

Nhengo nhatu dzebato reCCC dzinosanganisira kanzura weWard 26 kuGlen Norah VaWomberaiishe Nhende dzakaitwa kafiramberi zvakapa kuti vatotadze kutora mhiko yekutungamira nemusi weChina.

VaNhende vakaitwa kafiramberi vaina VaSanele Mkhuhlane vakasiya vakandwa musango kuMapinga, Mashonaland West nevanofungidzirwa uti vasori.

Imwe nhengo yeCCC VaNelson Mukwenha vakapambwawo nevanofungidzirwa kuti vasori kuHighfield mushure mekunge vadzivisa vamwe vaizviti vasori kupamba mutauriri webato iri VaPromise Mkwananzi pamberi pevatori venhau muHarare.

Vatatu ava vanoti vakasiya vabayiwa majekiseni ayo vana chiremba vari kuvheneka kuti ainge ainei.

Vari kutyira kuti ainge aine muchetura. Imwe nhengo yebato iri VaPeter Taonana vakakwikwidza muWard 1 kuUzumba Marambapfungwe vakapisirwa musha.

Vamwe vatsigiri vebato iri vanoti vakanopotera kune mimwe misha nekutya kurwiswa. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza Studio 7 kuti vachiri kuferefeta nyaya idzi.

Mapurisa ayo ari kurambidza vanhu kuungana zvikuru muHarare akambenge ati ane humbowo hwekuti vanopikisa vaida kuratidzira mushure mesarudzo dzinonzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro soro.

Bato reZanu-PF riri kuramba kuti riri kuita vanopikisa kafiramberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG