Bato reCitizens' Coalition for Change, CCC, rinoti rine hurongwa hwekuenda kusangano reSADC nechikumbiro chekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vasapiwa chigaro chasachigaro vesangano iri kusvika nyaya yekusafambiswa kwesarudzo iri kunyunyutwa nebato rinopikisa iri yanzwikwa nekugadziriswa neSADC.
Mutauriri weCCC, VaPromise Mkhwananzi, vanoti vachazivisawo sangano remubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, weAfrican Union, nezvedanho ravo iri pavanenge vanyorera kuSADC.
VaMkhwananzi vanoti hazviite kuti VaMnangagwa vagova sachigaro veSADC, ivo vaine tarisiro yekuti SADC igonzwa gakava ravo rekuramba kutambira zvakabuda musarudzo.
CCC iri kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka neZEC, uye dzakaburidzirwa zvemhando yepamusoro.
Masangano akaongorora sarudzo kusanganisira SADC ne African Union, akaburitsawo magwaro anoti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.
Asi nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, Doctor Masimba Mavaza, vanoti bato rinopikisa iri rave kungotsvaga uta nemugate asi ichiziva zvayo kuti yakakundwa musarudzo.
Vanoti danho reTriple C iri harina maturo kunze kwekungoti rakanangana nekuda kunyadzisa mutungamiri wenyika pamwe neZimbabwe.
Pari zvino Zimbabwe ine chigaro chemutewedzeri wasachigaro weSADC chayakapiwa mwedzi wapera, uye kubva gore rinouya ndiyo inenge yave sachigaro kusvika muna 2025.
Forum