Accessibility links

Breaking News

VaMudenda naAmai Gezi veZanu PF Vanodomwa seVatauriri veParamende Vasina Kupikiswa Mushure Mekunge veCCC Vatadza  Kudoma Vanovakwikwidza


VaJacob Mudenda vadomwa zvakare kuve mutauriri weparamende.
VaJacob Mudenda vadomwa zvakare kuve mutauriri weparamende.

VaJacob Mudenda naAmai Tsitsi Gezi vadomwa kuve mutauriri nemutevedzeri wemutauriri wedare reNational Assembly vasina kupikiswa mushure mekunge dare reCCC ratadza kudoma vanhu kukwikwidza zvigaro izvi.

VaMudenda naAmai Gezi vabva vagadzwa pazvigaro zvavo nemutongi mukuru wematare munyika, Justice Luke Malaba.

Asi vasati vagadzwa mamboita zhowe zhowe mudare sezvo nhengo dzeCCC, idzo dzanonoka kuuuya mudare dzasvika VaMudenda naAmai Gezi vadomwa kare, dzakatanga kuimba dzichidzivirira kuti vaviri ava vasagadzwa.

Vakafanobata chinzvimbo chevanokokera nhengo dzeCCC muparamende, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kuti vange vachida kukwikwidza zvigaro zviviri izvi asi sarudzo dzaitwa nguva dzisina kubvumiranwa.

Dare reparamende
Dare reparamende

“Tange tchiita musangano weksarudza vazotimririra tikabvumrana naVaChokuda kuti hurongwa hwazotanga nanhasi na11 asi tazokatyamara patauya taakuudzwa kut zvatopera vatota kana 10 dzsat dzakwana. Saka tashaya kut vavakubira futi kuparamende semabire evakata sarudzo.

Vati Advocate Eric Matinenga naAmai Minihle Gumede ndivo vange vachifanira kukwikwidza pazvigaro zvemutauriri nemutevedzeri wake.

Asi vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi, vanoti vafara nokudomwa kwaitwa VaMudenda, vachiti ndiye munhu anokodzera kutora chigaro ichi nekuti vanogona basa racho.

VaTogarepi vati “Mutemo unenge urmo mumagwaro eparamendevauya vomanya vamwe vakabvsa mata asi isu tanga tatosarudza.”

Mumamashoko avo mushure mekugadzwa, VaMudenda vati vanofara chose kuti paramende yechigumi ine nhengo dzechidiki dzakawanda,a vakakurudzira kuti dziite basa nemazvo.

Vatiwo hazvina kunaka kuti nhengo dzeparamende dziite zvimumumu mudare vachiti dzinofanira kutaura zvichemo zvevanhu vadzinomirira pamwe nekuvamirira zvakasimba pamwe nekuita mamwe mabasa adzisina kunzi dziite pamutemo akaita sekuenda kundufu, michato nezvimwe.

VaFelix Magalela Mafa veCCC
VaFelix Magalela Mafa veCCC


Kudare reseneti, Amai Marble Chinomona vakunda VaFelix Mafa veCCC nemavhoti makumi mashanu (50) vaMafa vachiwana mavhoti makumi maviri nemashanu (25) kuti vadzokere zvakare pachigaro chemutungamiri wedare iri. VaMke Nyambuya Vakunda Amai Maggie Chakabuda nemavhoti mushure mekuwana mavhoti makumi mana nemapfumbamwe (49) Amai Chakabuda vakawana makumimaviri nematanhatu (26).

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira zvakare vari mukuru webato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vashora kudzorerwa pazvigaro kwevatungamiriri veparamende vaivepo muhurumende yadarika vachtii panga pave kuda vamwe vatungamiri vane mazano matsva.

“Inga wani kune mudyandigere vachemberea vachizorora kuchuya vane vachine simba nezvo tsva yekufambisa zvnhu zvichienda mberi.Saka zvr kungotradza zvega kut pane mukaha wakakura.

Aka kave kechitatu VaMudenda nevamwe vavo vachisarudzwa kuramba vari pazvigaro.

Makanzura eGwanda atoreswa mhiko.
Makanzura eGwanda atoreswa mhiko.

Mune imwewo nyaya makanzuru akawanda munyika nhasi aenderera mberi achtoresa mhiko makanzura akakunda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapfuura.

Izvi zvaitika kumakanzuru eguta reMasvingo, Gwanda, Bulilima neMangwe. Nezuro, kanzuru dzemaguta eMutare neVictoria falls dzakatoresawo mhiko makanzura akakunda musarudzo.

Mudhorobha reMasvingo kanzuru Shantel Chiwarave CCC vavimbisa kuti vachashanda nesimba kuti vanhu vagare zvakanaka.

VaSengerai Manyanga veZanu PF, avo vaive mukanzuru yapfuura, vatsidza kuti vachasanda nevamwe vavo kubva kuCCC kuti vanhu vagare zvakanaka muMasvingo.

“Tine maproject akawanda atinoda kuti tite sekanzuru tichbatsirana tiri poamwe chete semakanzura gum nevatatu.”

Svondo rino mutungamiriri wenyka VaEmmerson Mnangagwa, nhengo dzeparamende, nemakanzura vange vari kutora mhiko dzebasa izvo zvinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika zvinoratidza kuti hurumende yave kutanga kushanda zvichitevera sarudzo dzakaitwa mwedzi wapera.

Vagari vakawanda mumaguta nemadhorobha munyika vari kutarisira kuti makanzura ari kuuya achavandudza magariro avo kuburikidza nekuzadzisa tarisiro dzavo, dzinosanganisira kuwaniswa mvura yakachena, kutakurwa kwemarara uye kugadzirwa kwemigwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG