Accessibility links

Breaking News

Mazuva Achaitwa Mitambo International Festival Oziviswa


Tariro neGitare

Sangano re Zimbabwe Theatre Academy razivisa nezvemazuva achaitwa chirongwa chegore rino che Mitambo International Festival. Chirongwa ichi chichaitwa muguta reHarare kubva musi wa 26 kusvika 30 Gunyana.

Ukuwo, mutambo we Intwasa Arts Festival urikutarisirwawo kuitwa pamazuva mamwechete 26 kusvika 30 Gunyana kuBulawayo. Mutori wedu wenhau Passmore Ndlovu, anotipa nyaya inotevera.

Mukuru wesangano ririkuronga chirongwa che Mitambo International Festival reZimbabwe Theatre Academy VaLloyd Nyikadzino, vaudza Studio 7 kuti donzvo ravo ndere kuunganidza vatambi kubva kunyika dzakasiyanasiyana kuti vakurukure nekudzidzisana zvakawanda kuburikidza nemitambo.

VaNyikadzino vaenderera mberi vachiti izvi zvichapa mikana yakawanda kuzvizvarwa zvemu Zimbabwe kuti zvigadzire hukama hwakanaka nevatambi vekunze uye kuita mushandirapamwe.

Vanotungamira hurongwa hweIntwasa Arts Festival kuBulawayo VaRaisedon Baya, vati vanofara chose negadziriro yemutambo uyu. Mutambo uyu urikutarisirwa kuitwa kunzvimbo dzakasiyana siyana muguta iri vaimbi vakaita sechikwata che Mokoomba, Vusa Mkhaya, Tariro Negitare nevamwe vachitarisirwawo kuzotandadza veruzhinji.

Achitaura ne Studio 7, muimbi, Tariro Negitare ati anofara chose nevamwe vaimbi vaari kutarisira kusangana nawo.

Vanoongorora zvemitambo vachishanda nesangano reearGROUND Va Plot Mhako varumbidza mitambo miviri iyi vachiti inopa mikana yakawanda kune vatambi vemuZimbabwe.

Ichi ndicho chikamu chechishanu kubva zvakavambwa chirongwa cheMitambo International Festival muna 2019. Vatambi vachapinda muchirongwa ichi vanotarisirwa kubva kuSouth Africa, Zimbabwe, Spain, Switzerland nedzimwe. Mukubika chirongwa ichi, Zimbabwe Theatre Academy iri kutsigirwa nemuzinda weSwitzerland muZimbabwe, UNESCO, muzinda weSpain muZimbabwe, University of Zimbabwe, National Arts Council of Zimbabwe nemamwe masangano akasiyanasiyana.

Intwasa Arts Festival yakavambwa mugore ra 2004 nedonzvo rekusimudzira tsika nemagariro kuburikidza nemitambo yakasiyanasiyana. Kwemakore mazhinji, mutambo uyu wakapindwa nevatambi vakawanda kubva kunzvimbo dzakasiyanasiyana munyika nekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG