Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeDare reParamende Dzotora Mhiko Munyika Musina Kugadzikana neSarudzo Dzaunza Gakava


Zimbabwe Parliament
Zimbabwe Parliament

Vakasarudzwa kuva nhengo dzedare reparamende musarudzo dzichangobva mukuitwa asi dzakonzera mutauro munyika nekunze dzicihinzi hadzina kufambiswa zvakanaka, vatoreswa mhiko kudare reparamende idzva riri kuMt. Hampden, mudunhu reMashonaland West. Idzi dzvave nhengo dzedare reparamende dzegumi dzatoreswa mhiko kubva nyika zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1980.

Kutora mhiko hakuna kutanga zvakanaka kune dzimwe nhengo dzine chitsama dzeCCC dzarambidzwa kupinda mudare dzakapfeka matayi eYellow ayo anoonekwa semucherechechedzo webato iri, uye dzazopinda mushure mekubvuma kuabvisa.

Mumashoko avo mushure mekutora mhiko, mumiriri weMkoba North, VaAmos Chibaya, vati kunyange vasiri kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo, vaona zvakakodzera kuchengetedza zvavakawana.

Vati, “Semusangano weCCC sarudzo dzakabirwa zvemhando yepamusoro asi zvatinazvo izvo tinoramba takabata tichirwisana nezvatakabirwa zvakanangana nesarudzo dzemutungamiriri wenyika.”

Mumiriri weBuhera West, VaTafadzwa Mugwadi, veZanu PF, vati vanofara kuti vebato rinopikisa vatorawo mhiko vachiti zvinoratidza kuti vanotambira zvakabuda musarudzo.

VaMugwadi vati,”Vanenge vachiziva havo nechemumoyo kuti kungava nenguva yekutungana kwembudzi asi kozova nenguva yekuita zvine pundutso zvinofambisa nyika mberi.”

Kunyangwe hazvo veZanu-PF vari kuti vakakunda, sarudzo idzi dziri kushorwa nevaongorori vesarudzo vemuSADC, African Union, EU pamwe nemamwe masangano akawanda akadziongorora vachiti hadzina kutevedzera mitemo yesarudzo munyika nezvibvumirano zvakanyoreranwa Zimbabwe nedzimwe nyika.

Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika zvakapa kuti vatungamiri venyika vakawanda kunze kwevatatu chete vauye kuZimbabwe pakagadzwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nhengo dzakawanda kubva kumapato ese ari maviri dzati dzinotarisira kupasa mitemo inosimudzira hupenyu hwevanhu, dzichibvumirana kuti veruzhinji vari kutambura munyika.

Mumiriri weGoromonzi South, VaStephen Chagwiza veCCC, vati donzvo ravo kusimudzira magariro evanhu.

Vati,”Vanhu vari kutambura kubva pakuberekwa zvekuti nhumbu yaamai ndipo panotangira mwana kutambudzika kuGoromonzi South. Vaenderera mberi vachiti, “Nhumbu chaiyo iri kuzvarirwa pasi kunge mombe, vana mai vachiedza kuenda kuchipatara pasina mugwagwa pasina chipatara chacho.”

VaAgency Gumbo veCCC vachimirira Hatcliffe, vatiwo, “ Tichashandisa danho reparamende ratakapihwa nevanhu nevanhu veHatcliffe kuti tidzore budiriro, tichashandisa danho iri kuti tigadzire muutemo unovandudza nzvimbo pamwe nekuti raramo yevanhu ivandudzwwe.”

Mumiriri weChikomba West, Amai Tatenda Mavetera, veZanu PF vati vachashanda zvakasimba kuvaka mitemo inosimudzira vechidiki nemadzimai.

Amai Mavetera vati, “Pane mitemo yakanangana nevechidiki nemadzimaia inofanira kugadziriswa. Mukada kutarisa hatina kukwanisa kuti tive neYouth Bill inotarisa vechidiki.

Izvi zvatsigirwa naVaXaviar Maoneke veZanu PF vachimirira Chivi Central. VaMowoneke vati, “Tinofanira kudonongora mitemo yese inotarisa vechidiki, kusimudzira madzimai pamwe nekuongorora kuti zvicherwa zvenyika yedu zviri kufambiswa sei.”

Kunyange hazvo CCC irisiri kufara nemafambisrwe akaitwa sarudzo, mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vati danho ratorwa nebato iri rakakosha pakuremekedza zvido zvevanhu vakarivhotera musarudzo.

VaMudzengi vati, “ Nekuda kwevanhu ivavo vakavhotera CCC handiwoni zvakakodzera kuti CCC irege kuenda kuparamende, inofanira kupinda nedonzvo rekuti payakatora inofanira kuramba yakabata.”

Asi vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaGibson Nyikadzino vaudza Studio7 kuti kusapinda muparamende kwaigona kukonzera matambudziko akawanda kubato iri.

VaNyikadzino vati, “Raigona kushaya mari inobva kuhurumende inopihwa mapato anenge ari muparamende uye zvaikanganisa rutsigiro rwavanopihwa nevanhu

Nekuti zvaizokonzera kuti maBy-election daivangavasina kutora nzvimbo idzodzo.” Vadaro VaNyikadzino

Zvichakadaro mangwana nhengo dzeNational Assembly dzichagara pasi dzichivhotera mutauriri wedare (kana kuti Speaker) nemutevedzeri wake uko nhengo dzeSeneti dzichavhoterawo mutungamiriri wadzo nemutevedzeri wake.

Zanu PF ine nhengo zana nemakumi manomwe nenhanhatu (176) muNational Assembly, CCC ine zana nenhatu (103). Chigaro chimwechete hachisati chave nemunhu sezvo sarudzo dzisina kuzoitwa zvichitevera kushaya kwemumwe aida kukwikwidza.

Kudare resenati Zanu PF ine zvigaro makumi matatu nenhatu (33) CCC ine makumi maviri nenomwe (27) kozoita madzishe gumi nemasere (18) nenhengo mbiri dzinomirira vakaremara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG