Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vachatanga Kuyedza Kuita Nhaurirano Vasati Varatidzira Murunyararo


Rais wa Zimbabwe Emmerson Mnangagwa (kushoto) na kiongozi wa chama cha upinzani cha (CCC) Nelson Chamisa (kulia). Picha na Adrian DENNIS na Jekesai NJIKIZANA/vyanzo mbalimbali/AFP.
Rais wa Zimbabwe Emmerson Mnangagwa (kushoto) na kiongozi wa chama cha upinzani cha (CCC) Nelson Chamisa (kulia). Picha na Adrian DENNIS na Jekesai NJIKIZANA/vyanzo mbalimbali/AFP.

Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanoti vari kuda kutanga vayedza kuita nhaurirano vasati varatidzira murunyararo zvavati zviri mubumbiro remitemo renyika.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti vakatotumira nhume kuSADC uye vari kutaura nevakawanda munyika kusanganisira vemakereke kuti munyika mamuka bopoto nenyaya yesarudzo dzisina kufamba zvakanaka muitwe nhaurirano.

Asi vachitaurawo neStudio 7, mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charamba vakati vanoda nhaurirano vanoenda kuPOLAD.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaNelson Chamisa vati munyika munoda nhaurirano asi kwete pasi pePOLAD yavati kutungana kwembudzi. VaChamisa vati vari kuda kutanga vayedza kuita nhaurirano vasati varatidzira murunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pane mashoko ekuti mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanogona kunge vari kuyedza kutungamira nhaurirano pakati peZanu-PF neTripple c mushure mesarudzo dzaunza kusabatana munyika nemudunhu reSADC.

Munyori mukuru weANC VaFikile Mbalula vachinyora tsamba kuna VaDavid Masondo vanove mutungamiri weOR Tambo School of Leadership yebato iri vachida kuti vambomise musangano waizeya nezvesarudzo mudunhu reSADC, vakati vainge vari munhaurirano dzakakosha neZanu-PF.

Vakati hurukuro yaida kuitwa neOR Tambo School of Leadership yaizogona kukanganiswa nhaurirano idzi. VaMbalula vaudza Studio 7 kuti vange vari mumusangano nekudaro vange vasina kusungunuka kutaura.

Asi munyori mukuru weZanu-PF VaObert Mpofu vaudza Studio 7 kuti hapana nhaurirano inoda kuitwa nekuti Zanu-PF yakakunda.

Vatiwo zvakataurwa nevaongorori vesarudzo zvekuti dzakabirirwa ndezvemugotsi matsuro.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG