Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Rinoti muNyika Maberekera Ingwe Vatsigiri Varo Vachiitwa Kafiramberi


Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti riri kushushikana zvikuru nekuwedzera kwenyaya dzekupambwa nekumbunyikidzwa kwevatsigiri vayo.

Asi mapurisa anoti achiri kuongorora nyaya yekupambwa kwedzimwe nhengo dzebato iri.

Vakasarudzwa kumirira Ward 26 kuGlen Norah vari nhengo yeCCC ndemumwe akapambwa akaitwa kafiramberi nevasori vanonzi vaida kuziva kuti hurongwa hwebato iri hwainge hwakamira sei mushure mekuramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo dzakanzi nevaongorori vakawanda dzainge dzisina kuchena.

VaNhende vanoti vakapambwa nevasori vainge vakapakatira pfuti uye vakabayiwa jekiseni ravanofunga kuti rainge riine muchetura. Vakapambwa muHarare pamwe neimwe nhengo yebato ravo VaSanele Mkuhlani. Mutevedzeri wemutauriri weTripple C VaOstallo Siziba vati munyika yese maberekera ingwe.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa achiri kuferefeta nyaya yekupambwa kwaVa Nhende naVaMukuhlani.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti zvakakosha kuti paumbwe komiti yakazvimirira yoga kuongorora nyaya dzekupambwa kwevanhu muZimbabwe.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vakambopambwa Muzvare Jestina Mukoko vaudza Studio 7 kuti shuviro yavo munyika ndeyekuti nyaya yekupambwa kwevanhu ipere zvachose.

Muzvare Mukoko vanga vachitungamirira sangano rinoongorora kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika reZimbabwe Peace Project asi vanoti vasiya basa vachivamba sangano idzva rinobatsira vanenge vaitwa kafiramberi reJestina Mukoko Foundation.

Muzvare Mukoko nezuro vakapihwawo mubayiro wekurwira kodzero dzevanhu. Vachitaura neStudio 7 gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachitungamira Zimbabwe Human Rights Association , VaDzikamai Bere vakati Muzvare Mukoko igamba munyaya dzekodzero.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekutsakatitswa kwevanhu munyika.

Vamwe vakapambwa vasati vazivikinwa kuti varipi vanosanganisira VaItai Dzamara, VaPatrick Nabanyana, VaRashiwe Guzha nevamwewo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG