Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatwa seYakageza neGoka Munyama Nekuda kweSarudzo Dzakonzera Gakava.


VaEmmerson Mnangagwa vachitora mhiko yekutungamira
VaEmmerson Mnangagwa vachitora mhiko yekutungamira

Kunyangwe hazvo bato riri kutonga muSouth Africa reANC riri kumira nemutungamiri wenyika akagagwa nezuro, VaEmmerson Mnangagwa, vakawanda muSADC, African Union nepasi rose vari kuti havana kusarudzwa zviri pamutemo wenyika kana zvibvumirano zvakanyoreranwa neZimbabwe nenyika dzepasi rose zvapa kuti vabve vashaya chiremera.

Mukuyedza kusimbaradza hukama neZanu-PF nehurumende yaVaMnangagwa, munyori mukuru weANC, VaFikile Mbalula, avo vakange vari pahurongwa hwekugadzwa kwaVaMnangagwa nezuro pamwe nemutungamiri wenyika yavo yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa,nhasi vaita musangano nevakuru vebato reZanu-PF muHarare.

VaMbalula,avo vanoti vanotsigira Zanu-PF nekuti yakarwa hondo yerusungunuko, vabva vazoshanyirawo nzvimbo iri kuvakwa dura renhoroondo yeChimurenga yenyika dzemuAfrica, kana kuti Museum of African Liberation. Vaudza vatori venhau kuti dura iri rakakosha zvikuru.

Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwezvirongwa muhofisi yemutungamiri wenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vaudzawo Studio 7 kuti Zimbabwe neSouth Africa dzine hukama hwakakosha kubvira panguva yakarwirwa rusununguko nenyika mbiri idzi.

Asi mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vashora kushanya kwaVaMbalula munyika vachivapomera mhosva yekushandiswa neZanu-PF kudzikisira chiremerera cheSADC.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi9 mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vakurudzira kuti SADC iite mutongi gava pakugadzirisa dambudziko remuZimbabwe.

Pavatungamiri vese vemuSADC neAfrican Union vakakokwa, kwakangouya vatatu vanoti vekuSouth Africa, Mozambique neDRC chete.

Kugadzwa kwaVaMnangagwa kunonziwo kuchapa kuti kubviswa kwezvirango zvavakatemerwa pamwe nevamwe vavo neAmerica nedzimwe nyika kunetse.

Zimbabwe inonzi ichanetsekanawo kuti ikanganwirwe zvikwereti zvayo izvo iri kutadza kubhadhara kumabhanga akaita seWorld Bank nemamwe, ayo anoti anoda kubatsira nyika ine hutongo hwejekerere.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG