Accessibility links

Breaking News

General Nguema Votora Mhiko kuGabon Vamwe Vachiti Kubirira Sarudzo Kwave Kupawo Kuti Mauto Apidigure Hurumende


General Brice Oligui Nguema avo vakapidigura hurumende yaVaAli Bongo Ondimba vatora mhiko nhasi yekutungamira nyika iyi. Kubva muna 2020, mauto ayedza kupidigura hurumende muAfrica kanosvika gumi kunyanya kunyika dzekumawirira kweAfrica. VaNguema vakati vakapidigura hurumende sezvo isina kuita sarudzo dzakachena.

Vachitaurawo nevatori venhau muZambia nezuro, vakatungamira SADC kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe dzakanzi nevaongorori vakawanda hadzina kuchena, Doctor Nervers Mumba vanoti chimwe chiri kukonzera kuti mauto apidigure hurumende muAfrica inyaya yekuita sarudzo dzisina kuchena.

Izvi ndizvo zvinonzi zvakaitika kugabon. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuita sarudzo dzisina kuchena yave kupa vechiuto mukana wekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG