Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Kana Mitemo Isina Kuvandudzwa Zimbabwe Haikwanise Kuita Sarudzo Dzakachena


Sachigaro weZEC Amai Priscillah Chigumba
Sachigaro weZEC Amai Priscillah Chigumba

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nemitemo yesarudzo vanoti sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa nemazvo sezvinodiwa nemitemo inobata sarudzo izvo zviri kupa kuti vanhu vakawanda vanyunyute.

Nyanzvi munyaya dzekudyidzana kwenyika musangano reEuropean Union ichigara muSweden, Muzvare Sophia Tekwane, vanoti honzeri yekusafamba zvakanaka kwesarudzo muZimbabwe inyaya yekusavandudzwa kwemitemo yesarudzo kana kuti electoral reforms.

Muzvinafundo munyaya dzematongerwo enyika paUniversity of South Africa, Hebert Moyo, vanotiwo mitemo haina kutevedzerwa nemazvo munguva dzesarudzo.

Mudzidzisi wezvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, VaAbdony Marime, vanotiwo Zimbabwe Electoral Commission inofanirwa kupihwa masimba nemitemo yenyika kuitira kuti iite basa rayo nenzira dzisingakonzere mutauro munyika.

Nyanzvi mukuoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Vaurayai Zembe, vanoti ivo zviri pachena kuti ZEC harna simba rekufambisa sarudzo zvakasununguka.

Chipanga mazano musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwa Chiriga, vanoti kutsutsumwa kuri kuita Citizens Coalition for Change nezvakabuda musarudzo kunopedzwa chete nematare anotonga nyaya asina kwaanorerekera.

Nezuro, bato reCitizens Coalition for Change rakati sarudzo dzinofanirwa kuitwa patsva, dzichitungamirwa nenyanzvi dzinofanirwa kudomwa, kwete kuti dzifambiswe neZimbabwe Electoral Commission iyo bato iri rinoti iri kushandiswa neZanu PF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG