Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveHupfumi Dzokurudzira Kubatana Kuti Nyika Ifambire Mberi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti munyika munoda kubatana munyaya dzezvematongerwo enyika, kuwirirana kwehurumende nevashandi nevashandirwi kuitira kuti nyaya dzehupfumi dzifambire mberi zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti panofanirwa kuwiriranwa munyaya dzezvematongerwo enyika kuitira kuti nyaya dzehupfumi dzifambe zvakanaka.

“Kuti nyaya dzehupfumi dzifambe zvakanaka panofanirwa kuwirirana munyaya dzezvematongerwo enyika, panofanirwa kunge paine kubatana” VaChitambara vaudza Studio 7.

VaChitambara vanotiwo zvinhu zvinogona kufamba zvakanaka kana hurumende ikaisa musoro pamwechete nevose vane chekuita nekubudirira munyaya dzehupfumi.

Imwe nyanzvi munyaya yezvehupfumi uye vachishanda semurwiri wekodzero musangano reCenter for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti hurukuro pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende dzakakosha.

Imwewo nyanzvi yezvehupfumi vachishanda neGIMRI Finance, VaGilbert Muponda, vanoti vanoona hupfumi huchinaka munyika nekuda kwezvicherwa zvakaita seLithium asi vachikurudzira hurumende kuti izvikwenenzvere munyika.

Asi vati, “Hurumende inofanirwawo kukwezva vemabhizinisi kuti vauye kuzokwenenzvera zvicherwa zvedu zvakaita seLithium muno munyika kuti pave nemabasa”

Chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti hurumende yatotanga kuvandudza zvinhu kuti ikwezvewo vemabhizimisi vekunze ava.

“Nyaya dzehupfumi dziri kufamba zvakanaka zvekuti muchikamu chino chechipiri pachave nekuvandudzwa kwema industry” VaGwanyanya vaudza Studio 7.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaJohn Mapfumo, avo vanoita basa rekutenga nekutengesa mabhandi, zvikwama nenguwani, vanoti havaone hupfumi huchisimuka nehutungamiri huripo. VaMapfumo vati, “Hapana zvinoshanduka sezvo kuronga kuri kumwechete kwagara kuchiunza matambudziko inongove suffer continue”

Asi mumwe anotenga nekutengesa ari nhengo yeVendors4ED, VaMunyaradza Mangeya, vanoti vanotarisira kupihwa chikwereti chekuwedzera zvavanotengesa nekuvakirwa nzvimbo yekushandira. Vati, “Tinofara nekukunda kwaVaMnangagwa tinovimba kuti tichawaniswa mari dzekukwereteswa pamwe nekuvakirwa pekutengesera”

Vamwe vakaita saVaLameck Makiya vanoti havaone hupfumi huchisimukira sezvo magetsi atotanga kudzimwa dzimwa kubva zvapera sarudzo.

VaMuponda vakurudzirawo kuti vakuru vekambani ye-ZESA vaongororwe sezvo magetsi aiwanikwa munguva yose yegadziriro yesarudzo.

Hatina kukwanisa kubata mukuru weZESA, VaHoward Choga, kuti tinzwe kuti chii chave kupa kuti magetsi adzimwe dzimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG