Mauto emuGabon azivisa kuti apidigura hurumende yaVaAli Bongo Ondimba avo vari kupomerwa mhosva yekubirira sarudzo dzichangobva mukuitwa. VaOndimba vaburitsa vhivhiyo vachikumbira kuti vanhu vavabatsire.
Mumiriri weAmerica kuUnited States kuUnited Nations Amai Linda Thomas-Greenfield vashora nyaya yekupidigurwa kwehurumende iyi vachiti VaOndimba.
Kupidigurwa kwehurumende yeGabon kunoteverawo kupidigurwa kwehurumende yeNiger nemauto mwedzi wapera. Ko chii chiri kupa kuti hurumende dzipidigurwe nemauto.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vaudza Studio 7 kuti hutongo hwechiuto hune dambudziko nekuti havana kudzidziswa zvehutongo hwejekerere.
Forum