Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana nePasi Rose Kucherechedza Zuva reVakatsakatitswa


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekurangarira vanhu vanopambwa kana kuti United Nations International Day of Victims of Enforced Disappearances, masangano anorwira kodzero dzevanhu achiti zvinosuwisa kuti vanhu vachiri kunyangaditswa muZimbabwe. Asi mapurisa ari kuramba mashoko aya.

Mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati vari kucherechedza zuva ranhasi vaine misodzi pamatama nenyaya yekupambwa kwaVaNelson Mukwenha nhengo yebato rinopikisa reTripple C svondo rapera nevanofungidzirwa kuti mapurisa kana vasori.

VaMukwenha vanonzi vakapambwa nemusi weMugovera kumba kwavo kuHighfield mushure mekudzivirira kuda kupambwa kwemutauriri webato reCCC VaPromise Mkwananzi nevaizviti mapurisa muHarare. VaMukwenha vakazowanikwa nemusi weMuvhuro varohwa zvakaipisisa vakakandwa mune rimwe sango kuMapinga, Mashonaland West.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havana nyaya yavakawana yekupambwa kwaVaMukwenha

Muna Chikumi 2020, nyanzvi musangano reUnited Nations dzakaburitsa gwaro rinoratidza kuti muZimbabwe mune nyaya dzinosvika makumi mana nemapfumbamwe vakapambwa nekutochwa muZimbabwe muna 2019 asi nyaya idzi hadzina kuongororwa uye hapana akasungwa.

Mumwe wevakambopambwa uye ari mukuru weZimbabwe Peace Project Muzvare Jestina Mukoko vati munyika hamuna chidokwa-dokwa chekugadzirisa dambudziko rekupambwa kwevanhu.

Vachitaura neStudio 7 vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muNational Transitional Justice Working Group (NTJWG) VaFortune Kuhudzehwe vati vazhinji muZimbabwe vari kutsakatiswa nenyaya dzezvematongerwo enyika nekurwira kodzero. Vati vamwe vakatsakatika muZimbabwe vanosanganisira VaItai Dzamara, VaPatrick Nabanyame naVaPaul Chizuze.

Vawedzerawo vachiti kurudziro yavo kuhurumende ndeyekuti iiferefete kuti vakatsakatiswa ava varipi pamwe nekukutambira nekuisa runyoro rwayo pachibvumirano cheConvention for the Protection of All Persons Against Disappearances.

Mudzimai waVaItai Dzamara, vaiva mutori wenhau nemurwiri wekodzero dzevanhu, avo vakapambwa muna Kurume 2015, Amai Sheffra Dzamara vati zvinovarwadza zvakanyanya kuti makore masere murume wavo ashaikwa hapana chavati vanzwa kubva kumapurisa nehurumende.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhurumende sezvo tatadza kubata munyori mubazi rinoona nezvemutemo Amai Virginia Mabhiza. Asi mutauriri wemapurisa VaNyathi vati vachiri kutsvaka VaDzamara sezvakatarwa nedare.

Muna 2015, dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti mapurisa atsvake VaDzamara pamwe vachipota vachiudza magweta nehama dzavo kuti vasvika papi.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International Zimbabwe ranyora padandemutande reX raimbonzi Twitter kuti kupambwa kwevanhu kunopa kuti mhuri dzasara dzishupike mupfungwa zvakanyanya.

Zuva rekutsakatiswa kwevanhu iri rinocherechedzwa musi wa30 Nyamavhuvhu gore negore.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG