Accessibility links

Breaking News

CCC Yoronga Kuratidzira, Asi Hurumende Inoti Kuda Kurova Shumba neMbama


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC rinoti riri kuronga kuratidzira munyika yose kuti paitwe sarudzo itsva sezvo risiri kutambira zvakaburitswa nekomisheni yeZEC.

Mutauriri webato reCCC VaPromise Mkwananzi vaudza Studio 7 kuti kuratidzira kana vasina kugutsikana nesarudzo ikodzero yavo. Vati ZEC yakakundikana kuita sarudzo dzakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaGeorge Charamba, mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza Studio 7 kuti kuda kuratidzira kuda kupinda nemwenje mudziva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa vanokwanisa kuzivisa VaMnangagwa kuti vanoda nhaurirano. Vati havo VaMnangagwa semunhu wavati akakunda havasi kuzonotsvaga VaChamisa.

Sarudzo idzi dzakanziwo neveSADC, AU, COMESA, EU, America memamwe masangano hadzina kufambiswa zvakanaka. Izvi zvapa kuti SADC itumire chikwata chevakweguri kana kuti Panel of Elders kuti vayedze kugadzirisa bopoto iri.

Asi vakuru muhurumende vati munyika hamuna dambudziko uye vakagara vange vakoka vakweguri ava sarudzo dzisati dzamboitwa. Asi vanopikisa vanoti SADC inofanira kutaura nezvesarudzo.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakaudza vatori venhau kuti vainge vakorokotedza havo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa asi SADC yange ichitarisirwa kutarisa nyaya yeZimbabwe.

Vakatiwo muZimbabwe hamunafinre kuita mhirizhonga sezviri kukurudzirwa nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guteress.

Nhasi hofisi inoona nezvekodzero dzevanhu muUnited Nations yaudzawo nhepfenyuro yeSABC kuti iri kunetsekana nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG