Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Sarudzo Ngadzidzokororwe


Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti munyika munofanirwa kuitwa sarudzo itsva uye dzakachena dzichikokerwa neSADC neAfrican Union. Asi bato reZanu-PF rinoti izvi zviroto.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi, mutevedzeri wemutauriri webato reCCC uye vakakunda musarudzo dzedare reparamende kuPelandaba-Tshabalala kuBulawayo, VaGift Ostallos Siziba, vati sarudzo dzinofanirwa kuitwa patsva.

Vati, “MuZimbabwe munofanirwa kuitwa sarudzo patsva uye sarudzo idzi hadzifanirwe kuitwa neZEC nekuti yakafoira payaifanirwa kugadzirisa. Nekudaro panofanirwa kuitwa sarudzo dzejekerere.”

VaSiziba vati nekuda kwekuti Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yakakundikana kuita sarudzo dzejekerere, zvakakosha kuti sarudzo idzi dzitungamirwe nevanhu vasingafambe nedivi rimwe kunge gakandye.

Vati, “Vazhinji vanotibatsira muno munyika nekunze kwenyika vakadai sevemachechi nemasangano akazvimirira, kune veSADC pamwe neAfrican Union nevamwewo vakaita seEuropean Union neUnited Nations. “

Asi vakasanobata chigaro chemukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato re ZANU PF, VaFarai Marapira, vati bato reCCC rakakundwa zviri pachena. “Pakaitwa sarudzo vanhu vakavhota vakasarudza wavanoda kungomuka uchiunganidza vanhu uchiti wazviramba wazviramba hazvinzi pane makakatanwa.”

Vaenderera mberi vachiti, “Panonzi pane makakatanwa ndepaya pekuti munhu aburitsa humbowo. Kana kungori kutaura pasina humbowo ndirwo rwatinoti ruzha. Isu tinoti hakuna makakatanwa parizvino.”

Vachibvunzwa pfungwa dzavo mushure memashoko aturwa neCCC, mutauriri wesangano rinomirira vadzidzi reZINASU, VaLenon T Mazuru, vati sevadzidzi vanoona sekuti bato reCCC rinofanirwa kuve nematanho mamwe asiri ekungotaura neSADC neAfrica Union.

Vati, “Tinovimba kuti vebato CCC rinotungamirirwa naVaChamisa vane zvakakwana kunge vachitora danho iri zvisiri kungotaura neSADC neAfrica Union.”

Vatiwo, “Tinoziva kuti Zanu PF yagara inongoita zvekumbunyikidza asi panguva dzakadai kana vakakwanisa kunge vachienda kuhondo isu sevechidiki venguva ino kuti tisunungure Zimbabwe tichaita zvese zvingadiwa kuti tiite.”

Asi mutevedzeri wasachigaro, weZEC, VaRodney Kiwa, vakaudza vatori venhau kuti komisheni yavo yakabata basa nemazvo zvisinei nezvimhingamupinyi zvakaita sekunonoka kwemapepa ekuvhotera kwakaitika muHarare, Bulawayo neManicaland.

Bato reCCC harina kupindurawo vatori venhau kuti vachaenda here kumatare kunonyunyuta nesarudzo dzavari kuti hadzizadzikise zvinotarwa nebumbiro remitemo renyika, mutemo wesarudzo pamwe nemitemo yedunhu reSADC neimwewo.

Mubato iri munonzi hamuna kuwirirana pagwara rekutora sezvo pasina chivimbo nematare emunyika.

VaSiziba varambawo kutaura kuti nhengo dzeNational Assembly dzebato ravo dzakakunda dzichatora here zvigaro izvi.

ZEC yakazivisa kuti VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF ndivo vaiva vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Sarudzo dzemuZimbabwe dziri kushorwa zvikuru neSADC, African Union, COMESA, European Union, Commonwealth, hurumende yeAmerica nedzimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG