Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzokonzera Gakava muNyika


ZEC Chairperson Priscilla Chigumba
ZEC Chairperson Priscilla Chigumba

Pane kutambirwa kwakasiyana pane zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika sezvakaziviswa nekomisheni innona nezvesarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission-kana kuti ZEC- manheru anezuro.

ZEC yakazivisa nezuro manheru kuti mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa nemusi weChitatu.

Asi sarudzo idzi dziri kushorwa zvakanyanya nemasangano akawanda anoona nezvesarudzo kusanganisira SADC.

VaMnangagwa vakawana mavhoti zvikamu makumi mashanu nezviviri kubva muzana kana kuti 52% ukuwo mutungamiri webato reCitizen Coalition for Change-CCC-VaNelson Chamisa vakawana zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana kana kuti 44%.

Asi izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nhengo dzeCCC dzakaita saMuzvare Patricia Chibaya.

Vakuru vanoti nhamo yemumwe hairambirwi sadza, imwe nhengo yeZanu Pf iyo yanga ichipembera kukunda kwaVaMnangagwa nhasi, VaNever Mwanza vanoti zvanga zviri pachena kuti bato ravo rinokunda.

Asi mumwe mugari wekuKaroi VaAlexanda Motsi vanoti kukunda kwaVaMnangagwa kuenderera mberi nenhamo sezvo pasina zvinoshanduka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vati kuti zvinhu zvifambe zvakanaka panoda kubatana.

Zvichakadaro mapurisa afuma akazara mudhorobha reChinhoyi, munzvimbo dzekutandarira dziri mumisha inogara veruzhinji dzakaita seGwayagwaya, Kristos, Jongwe nedzimwe.

Mapurisa anga achiudza vanhu kuti vasaungane. Mutauriri Assistane Commissioner Paul Nyathi vanoti izvi zvaitirwa kuchengetedza runyararo munyika.

Mapurisa anga achichengetedzawo nhengo dzebato reZanu PF dzanga dzichipemberera kukunda kwaVaMnangagwa idzo dzanga dzichifamba mumisha inogara veruzhinji dzichiimba nemotokari dzakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG