Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari veKumaruwa Votarisira Zvavakavimbiswa neVakabudirira muSarudzo


Vakawanda kumaruwa vanoti vanotarisira kuvakirwa zvikoro, makiriniki nemigwagwa, uye kuwaniswa mvura yakachena.
Vakawanda kumaruwa vanoti vanotarisira kuvakirwa zvikoro, makiriniki nemigwagwa, uye kuwaniswa mvura yakachena.

Vagari vakawanda kumaruwa vanoti vanotarisira kuti nhengo dzeparamende dzavakavhotera rwendo rwuno kuti dzizadzise zvadzaivimbisa padzaitsvaga rutsigiro, kwete kuita hwebete rawira mumukaka mushure mekusarudzwa.

Mumwe mugari wekuHurungwe mudunhu reMashonaland West, VaTineyi Zano, vanotarisira nhengo yakabudirira ichamirira dunhu ravo kuti ivawanise mvura yekunwa yakachena sezvo vakavimbiswa kuchererwa zvibhorani paitsvagwa rutsigiro.

“Isu chatinongoda imvura yavakavimbisa sezvo kuno mvura ichinetsa. Tave nenguva refu mvura ichinetsa,” VaZano vanotsanangura.

Mumwe mudzimai anogara kuMt. Darwin mudunhu reMashonaland Central, Amai Yvonne Kashiri, vanoti vakatarisira kuti wese achakunda avavakire kiriniki sekuvimbisa kwavakaitwa nevese pavaitsvaga rutsigiro.

vamwe vanoti vanoda makiriniki.
vamwe vanoti vanoda makiriniki.


“Madzimai akazvitakura anifamba nzendo dzakakura kuenda kumakiriniki saka tinoda kuvakirwa makiriniki sekuvimbisa kwavo,” Amai Kashiri vanodaro.

Mumwe murimi wekwaSadza mudunhu reMashonaland East, VaRemigio Nyajena, vanoti achavamirira mudunhu ravo anotarisira kuti agadzirise migwagwa sezvo zviri kuvadhurira kuendesa zvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board nekuda kwekuparara kwemigwagwa.

“Migwagwa kana yakafa sezvairi hakuna ma transporter vanobvuma kuenda nemotokari dzavo kunzvimbo sedzirikuno nekudaro tinotarisira kugadzirwa kwemigwagwa” VaNyajena vanotsanangura

VaTawanda Karemba vekuMakonde kuMashonaland West, vanotarisira kuvakirwa zvikoro zvakanaka zvinokwezva vadzidzisi vakadzidzira basa.

“Vadzidzisi havadi kuuya kuzvikoro zvisina kuvakwa zvakanaka uye pasina dzimba dzakanaka zvinoita kuti vana vedu vasadzidze zvakanaka,” VaKaremba vanotsanangura.

Vamwe vanoda mvura yakachena.
Vamwe vanoda mvura yakachena.


Mugari weku Mola, VaObert Siamilandu, vanotarisira kuti rwendo rwuno achapinda achavawanisawo magetsi vachiti vanzwa nekungovimbiswa kubva 1980 asi pasina chinobuda.

Asi mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zvese zviri kuchemerwa nevagari zvinogonekwa chete kana pakaita kushanda kwematunhu kwakasununguka.

“Tikaita devolution chaiyo zvinogona kuitika nekuti makanzura enzvimbo ndiwoanenge ava kusarudza kuti mari yacho inoshanda sei kwete zvekutaurirwa nevakuru vavo kuHarare,” VaMaguwu vanoyambira.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti chinonetsa ndechekuti mari dzebudiriro dzinenge dzave kubva kuhurumende nemakanzuru.

“Saka mamiriro akaita hupfumi hwenyika zvichaomera kuti vamiriri vose vari kuma 210 vagadzire migwagwa nemakiriniki nezvikoro, panodiwa kutoshandwa,” VaNgwenya vanoyambira.

Nhengo dzeparamende dzakavhoterwa svondo rino dzaivimbisa zvakasiyanasiyana kubva mukuwanisa vagari mvura yakachena, kuvaka zvikoro, makiriniki, migwagwa nezvimwe zvakawanda zvinosanganisira kuviga vanenge vashaya, asi zvizhinji zvezvinhu izvi hazvizombofi zvakazadziswa.

Forum

XS
SM
MD
LG