Accessibility links

Breaking News

Masangano eSADC, African Union, Commonwealth neEuropean Union Anoti Pane Zvakawanda Zvisina Kufambiswa Zvakanaka muSarudzo


Vari kutungamiri chikwata cheAU muZimbabwe uye vakambotungamira Nigeria VaGoodluck Jonathan
Vari kutungamiri chikwata cheAU muZimbabwe uye vakambotungamira Nigeria VaGoodluck Jonathan

Masangano akaongorora sarudzo munyika kusanganisira SADC, African Union, Commonwealth ne European Union nhasi ati pane zvakawanda zvisina kufambiswa zvakanaka pasarudzo zvekuti sarudzo idzi hadzigoni kunzi dzakaitwa zvakanaka.

Vachitaura pakuburitswa kwegwaro ravo rekutanga pamusoro pemafambiro akaita sarudzo, mutungamiri wechikwata cheSADC, Doctor Nevers Mumba vekuZambia, vati zviri pachena kuti bumbiro remutemo wenyika, mutemo wesarudzo pamwe nezviga zveSADC zvinobata sarudzo dzakajeka, kana kuti SADC Principles and Guidelines on Democratic Elections, hazvina kutevedzwa izvo zvinokanganisa chimiro chesarudzo.

“Nekuda kwezvikonzero zvatataura mugwaro rino zviri pachena kuti sarudzo dzakaitwa pasina kutevedzera bumbiro remutemo, mutemo wesarudzo uye nezviga zveSADC zvekuita sarudzo dzakajeka.”

VaMumba vatiwo miganhu haina kutarwa zvakanaka, mamwe mapato haana kuwana gwaro revavhoti paine nguva, mari yekukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika yainge yakawndisa uye makambani enhau ehurumende aipa nguva yakawanda kuZanu PF.

Chikwata cheSADC chiri kuongorora sarudzo.
Chikwata cheSADC chiri kuongorora sarudzo.

Vatiwo vanhu vakatyisidzirwa zvikuru sengano reForever Associates of Zimbabwe iro raitopindira pamafambisirwo esarudzo.

Vaenderera mberi achiti, “Takaudzwa kuti kuvhotwa kwakanganganiswa kumaruwa nechikwata cheForever Associates of Zimbabwe kana kuti FAZ icho chinonzi chinoshanbda nevasori uye change chine vanhu kumaruwa ese.”

Vatiwo kushaikwa kwemagwaro ekuvhotesa zvikuru sei muHarare neBulawayo kwakasvibisa sarudzo idzi kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission yaiti yainge yakagadzirira zvakakwana.

Vachiparurawo gwaro reAfrican Union (AU) neCommon Market for East and Southern Africa , vari kutungamira chikwata cheAU VaGoodluck Jonathan, vaimbotungamira Nigeria, vatiwo pane zvinhu zvakawanda zvisina kufambsiwa zvakanaka pasarudzo dzeZimbabwe, uye vashorawo kuvhundutsirwa kwevanhu.

VaJonathan vati “Vamwe vakapinda musarudzo vakati vainge vasingafare kuti FAZ yavhndutsira vanhu kumaruwa.”

Gwaro reAU neCOMESA rashorawo kusungwa kwevashandi veElection Resource Centre, Zimbabwe Election Resource Centre neTeam Pachedu, avo vaiongorora sarudzo.

Ambassador Amina Mohammed
Ambassador Amina Mohammed

Sachigaro wechikwata cheCommonwealth, Ambassador Amina Mohamed, vekuKenya vatiwo pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa pamafambisirwe esarudzo dzemuZimbabwe, vakakurudzirawo vezvematongerwo enyika kuti vazvibate nekumirira zvichabuda musarudzo zvichaziviswa neZEC.

Chikwata cheEuropean Union chatiwo sarudzo dzakaitwa pasina kujeka uyewo dzakaitwa paine kutya kukuru muvanhu zvichitevera kusainwa kwemitemo yakaita sePrivate Voluntary Organisations Amendment Act, Criminal Law (Codification and Reform Act) Amendment Act ne Maintenance of Peace and Order Act, iyo chati yaishandiswa nemapurisa kumbunyika nekurambidza misangano yeCitizens Coalition for Change.

Sangano reCarter Center rekuAmerica, ratiwo sarudzo dzemuZimbabwe dzakaitika pasina kusununguka nekujeka, sezvo paramende yeZimbabwe isina kuvandudza mutemo wesarudzo kuti dzikwanise kuitwa zvakajeka.

Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi vange vakatarisirwa kuita musangano nevatori venhau kuti vapindure zvataurwa nemasangano akaongorora sarudzo munyika aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG