Accessibility links

Breaking News

Vaive Mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, Vanotambira Kukundwa Kwavo, Ukuwo weZanu PF Achikiya Zvibhorani muChinhoyi


VaTemba Mliswa, vaimirira Norton muparamende, vatenda kuti vakundwa naVaRichard Tsvangirai veCCC.
VaTemba Mliswa, vaimirira Norton muparamende, vatenda kuti vakundwa naVaRichard Tsvangirai veCCC.

Nhengo yebato reZanu Pf muChinhoyi iyo yakakundwa musarudzo dzemumiriri weparamende yafumovhara zvibhorani zvishanu zvayainge yacheresa munguva yekutsvaka rutsigiro, ukuwo vanga vari mumiriri weNorton muparamende yadarika, VaTemba Mliswa, vachikundwa musarudzo idzi.

VaThomas Chidzomba vafumovhara zvibhorani Izvi pavaziva kuti vakakundwa nenhengo yeCitizens’ Coalition for Change, VaLesly Mhangwa.

Asi vaimiririra VaChidzomba musarudzo, kana kuti Chief Election Agent, VaTatenda Chitate, vati manyepo vachiti zvibhorani zvinovharwa manheru senzira yekuti zvisaurayiwe zvichizovhurwa mangwanani ega ega. Asi patavaziviswa kuti nhasi zvaswera zvakavharwa, vabva vangoti “chero zvamunenge mafunga.”

Mudzimai achitsvaga mvura.
Mudzimai achitsvaga mvura.


Mumwe muvhoti VaSamson Nheweyemhuka vanoti vanofara nkukunda kweCCC musarudzo dzemakanzura muChinhoyi umo yakunda mumawadhi gumi ikakundwa mumawadhi maviri chete.

“Ini semugari wemuno muChinhoyi ndinofara zvikuru neCCC nekuti yakakunda zvinemutsindo muChinhoyi zvigaro zviviri chete zvemakanzura ndizvo zvakatorwa neZanu Pf nemamwe mapato” VaNheweyemhuka vanozivisa

Bato reCCC, iro rainge riine vamiriri vatatu muparamende munzvimbo dzinoti Kariba, Chinhoyi neKadoma, rinonzi riri kutarisira kukundawo kuKaroi, Norton, Zvimba East neChegutu West, kuwedzera pazvigaro zvaragara riinazvo.

VaMliswa vabvuma kuti vakundwa kuNorton naVaRichard Tsvangirai, vanove mwanakomana wemushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vakave mutungamiri wekutanga webato reMDC.

“Sevanhu vandashanda navo ndinofanirwa kukutaurirai kuti ndakakundwa musarudzo, ndinobvuma zvakabuda musarudzo”VaMliswa vanobvuma kuti vakakundwa

VaTsvangirai vanoti vanofara nekukunda kwavaita VaMliswa, vachiti vanofanirwa kubatana kuti nzvimbo yeNorton ibudirire sezvo vakaita zvakawanda.

Vamwe vagari vemuNorton
Vamwe vagari vemuNorton


“MuNorton takakunda muma wards gumi nemaviri, takakundwa muma wards maviri nekudaro ndinofarawo nekuti ndakakunda. Ndinokurudzira VaMliswa kuti tishande pamwechete kuti Norton ibudirire sezvo vakaita zvakawanda vari mumiriri weNorton”VaTsvangirai vanotsanangura

Mukuru weZimbabwe Electoral Commission-ZEC-mudunhu reMashonaland West, VaAustine Ndlovu, vanoti zvakabuda musarudzo nezuro zvichatanga kuziviswa nhasi.

“Zvakabuda musarudzo dzematunhu madiki zvichaziviswa kutanga nhasi” VaNdlovu vanozivisa

KuKariba vakasarudzwa kumiririra ward 6, VaGeorge Masendu, veCCC vanoti bato ravo rakakunda mumawadhi mapfumbamwe ose muKariba, kunyange hazvo ZEC isati yazivisa izvi zviri pamutemo.

“Bato rangu reCCC rakakunda muKariba zvine mutsindo. Takakunda mumawadhi ose 9 ari muKariba,” VaMasendu vanozivisa.

VaChris Mutsvangwa naVaFarai Marapira veZanu PF
VaChris Mutsvangwa naVaFarai Marapira veZanu PF


Vakafanobata chigaro chemushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo richamirira kunzwa zvizere kubva kuZEC, asi vanoti vanotarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dzemutungamiri wenyika neparamende.

“Bato reZanu PF richiri rakasimba mudunhu reMashonaland West uye hapana zvakawanda zvatinotaura kusvika tanzwa zvakabuda musarudzo zvakazara kubva kuZEC asi mutungamiri webato redu VaEmmerson Mnangagwa vachakunda zvine mutsindo” VaMarapira vanotsanangura

Dunhu reMashonaland West rine zvigaro zveparamende makumi maviri nezviviri zvaikwikwidzwa.

Muparamende yapfuura, Zanu PF yaive iine zvigaro gumi nezvisere, CCC iyine zvitatu, kuchitiwo nhengo yaive yakazvimirira imwe chete, VaMliswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG