Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Nhengo dzeERC, ZESN neTeam Pachedu Dzichipomerwa Mhosva Yekuda Kuburitswa Zviri Kubuda muSarudzo Zviri Kunze kweMutemo


ZESN yagara ichiongorora mafambiro esarudzo makore ese.
ZESN yagara ichiongorora mafambiro esarudzo makore ese.

Mapurisa azivisa kuti asunga vanhu vanga vachiona mafambiro esarudzo vakazvimirira makumi mana nemumwe (41) senzira yekuvamisa kuburitsa zviri kunze kwemutemo zvakabuda musarudzo dzakaitwa neChitatu.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati zvakabuda musarudzo izvi zvanga zvichazoziviswa nhasi sezvavanoti zvakavimbiswa nemutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.

Vashandi vakasungwa ava ndeveZimbabwe Election Support Network, Election Resource Centre nevesangano rinozviti Team Pachedu, uye vaonekwa nemagweta avo paHarare Central Police Station.

Mapurisa eZRP
Mapurisa eZRP

Asi vachitaura neStudio 7 nhasi masikati vasungwa ava vasati vaonekwa nemagweta avo, vanoona nezvekubuda nekupinda kwemashoko muElection Resource Center, VaTakunda Tsunga, vatsutsumwa chose nekusungwa kwavo.

“Isu chirikutishamisa seERC vanhu vakasungwa nezuro havasati vapihwa mvumo yekuti vaonane nemagweta avo kuti vavazivise nezvehusungwa hwavo uye kuti vakasungirwei,” vakadaro VaTsunga.

Hatina kukwanisa kutaura nerimwe remagweta evasungwa ava, Muzvare Roseline Hanzi, mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Asi Muzvare Hanzi vanyora padandemutande kuti vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekutyora Section 66 yeElectoral Act.

Assistant Commissioner Paul Nyathi
Assistant Commissioner Paul Nyathi

Asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati ivo mhosva yevasungwa ava ichanzwika mumatare.

Muchaona pavanopinda mudare, mhosva yavo vachaiziviswa mudare. Vakatyora mutemo wenyika, saka zvese zvinofanira kuitwa kuti mutemo uonekwe kushanda kwawo,” vakadaro VaNyathi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaRashweat Mukundu, vati kusungwa kwevanhu ava kunoburitsa hudzvanyiriri hwebato riri kutonga reZanu-PF.

“Kusungwa kwakaitwa vashandi vemasangano aya anozvimirira ega, kunobudisa hudzvanyiriri webato ririkutonga reZanu-PF,” vakadaro VaMukundu.

Mumwe wevatsigiri vebato reTriple C, VaElvis Mugari, vashorawo kuita kwemutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, avo vanofungidzirwa kuti vakabatanidzira bato reTriple C mumhaka iri kupomerwa vashandi veZESN neERC pavaitaura padandemutande ravo reX, iro raimbozivikanwa seTwitter.

VaMutsvangwa naVaFarai Marapira
VaMutsvangwa naVaFarai Marapira

Asi mukuru wezvekubuda nekupinda kwemashoko muZanu-PF, VaFarai Marapira, vati igaroziva kuti mutemo mutemo, unofanira kutevedzerwa.

“Mutemo ndiyo namo inotibatanidza, asi chatinongokurudzira ndechekuti kana pane avhuna mutemo, mapurisa ngaabate,” VaMarapira vakadaro.

Saurudzo dzakaitwa nezuro munyika, ikuwo dzikafuma dzichienderera mberi munedzimwe nzvimbo nhasi pasina mufaro kune vanovhota vazhinji mumaguta nechikonzero chekusavepo kwezvikwanisiro zvekuvhota pavaivhotera zvichisakisa kunonoka kwekuvhota.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG