Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vasiri muGwaro reVavhoti Vonzi Vavhota kuHarare West paZuva raWedzerwa kuVhota Mune Dzimwe Nzvimbo


Nhengo dze CCC Muzvare Joana Mamombe naVaDenford Ngadziore vachipopotera vashandi veZEC.
Nhengo dze CCC Muzvare Joana Mamombe naVaDenford Ngadziore vachipopotera vashandi veZEC.

Sarudzo dzaenderera mberi nemusi weChina munzvimbo dzine vanhu vakatadza kuvhota neChitatu, paine mashoko ekuti kune vanhu vakavhota zvisiri pamutemo muHarare.

Bato guru rinopikisa re CCC, rinoti harisi kufara nekubvumidzwa kuvhota kwaitiswa vanhu vasingagare mudunhu reHarare West,

Vakakwikwidza vakamirira CCC mudunhu reHarare West musarudzo dzeparamende, Muzvare Joana Mamombe, vaudza vashandi veZEC kuti havasi kufara nekuvhoteswa kwevamwe vanhu vanga vasiri mugwaro revavhoti.

“Takungoona vanhu vari kuuya vachipinda vachinzi vane nhamba dzavari kufonera dzavari kupiwa hanzi kuBVR Center. Isu tiri kuti kana vane muchina weBVR ngauuye pano vanotimiririra vachionawo kuti zveshuwa munhu ari mugwaro.

"Vanhu vane zvipepa zvekuratidza kuti vakanyorwa mugwaro revavhoti vari kurambidzwa kuvhota asi vari kufona kunhamba isingazivikanwi votendedzwa nemhaka yei?” Muzvare Mamombe vadaro.

Sarudzo dzaenderera mberi kune dzimwe nzvimbo muHarare
Sarudzo dzaenderera mberi kune dzimwe nzvimbo muHarare

Vakakwikwidzawo sakanzura weWard 16 kuHarare West kwakare, VaDenford Ngadziore, vati vakwanisa kumisa vamwe vanga vachida kuvhota paMaranatha, asi munhu mumwechete anga atovhota kare kuHaig Park Primary School.

“Kunzi munhu asiri mugwaro revavhoti anofona kunhu kusingazivikanwi kwafonewa kwacho munhu akangoti ari mugwaro revavhoti otonzi ngaavhote otovhota. Tavaudza kuti zvakadaro hazviitiki ndobva tazvimisa paHaig Park nepano PaMaranatha asi paHaig Park munhu mumwe anga atovhota.”

Vachibvunzwa nezvenyaya yekuti kune vavhota vasiri mugwaro revavhoti, mukuru anga achiona nezvekuvhotesa kuWard 16, VaGift Homwe, vati vanga vasina kuona izvi zvichiitika nekudaro vange vaudza vari kunyunyuta kuti vaende kuhofisi yeZEC.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kumutevedzeri wasachigaro veZEC uye vari mutauriri wekomisheni, VaRodney Kiwa, sezvo vanga vasingadairi nharembozha yavo. Tatadza kunzwawo kubva kumushandi mukuru kuZEC, VaUtoile Silaigwana.

Asi mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi vaudza Studio 7 kuti hakuna ambomhangara nyaya yevavhota vasiri mugwaro revavhoti. Vati, “Hapana zvatambopiwa isusu.”

Mumwe wevavhota neChina ndiAmai Beula Mutunami, avo vati vakatonhorwa zvakanyanya nezuro husiku vakamirira kusvika kwemapepa ekuvhotera.

“Chando chakanditonhora zvakanyanya kusvika izwi rangu raenda. Ndazongoti regai ndiende ndinovhota saka ndafara nekuti ndavhota.”

Vanhu vachivhota.
Vanhu vachivhota.

VaCollin Chageza vati zvinovashamisa zvakanyanya kuti sei bepa rekuvhota rakashaikwa musi wekuvhota, “Totoshaya kuti zvanga zvakarongwa sei kusvika pakunzi mapepa ekuvhotera hapana.”

Mumwe angoda kuzivikanwa nekuti Pastor Tee vashaya zita ravo mugwaro revavhoti. Vati, “Ndarambidzwa kuti ndishandise kodzero yangu yekuvhota. Hanzi handimo mugwaro.”

VaHomwe, vabvuma ku Studio 7 kuti nezuro vanhu vakavhota kwemaawa matatu chete sezvo bepa rekuvhotesa musarudzo dzemakanzuru rakanonoka kuuya uye rakazoshota zvakare.

Kuvhota kuri kutarisirwa kuvharwa nhasi nguva dzakasiyana siyana.

Dzimwe dzenzvimbo dzavhurwa nhasi kuti vanhu vavhote muHarare dzinosanganisira Mabelreign, Warren Park neWestlea.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG