Accessibility links

Breaking News

KuMashonaland West, Vamwe Voshaya Mazita Avo Mugwaro reVavhoti


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Vamwe vanhu vakawanda vanga vachida kuvhota muChinhoyi, Kadoma, Zvimba neKariba mudunhu reMashonaland West vashayiwa mazita avo mugwaro revavhoti.

KuMashonaland West, ZEC yazivisa mugwaro kuvatori venhau kuti gadziriro yavo yange iri pazvikamu makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 99% zvichireva kuti vanhu vatanga kuvhota nenguva.

Asi sekune dzimwe nzvimbo, vamwe vakaita saAmai Lucia Paradza vanogara kwaGadzena muWard 2 vanoti ivo nemhuri yavo vashaya mazita avo mugwaro revavhoti.

Meya weguta reHarare VaRalph Maoneyi vebato reTriple C vanoti vange vasina matambudziko neZEC asi vanofungidzirwa kuti ndeveFAZ vange vachikanda mapepa kuti vanhu vasaende kunovhota.

Mukuru mubazi reZimbabwe Electoral Commission-ZEC-mudunhu reMashonaland West VaAustine Ndlovu vatenda kuti dambudziko iri ranga riripo.

Asi VaNdlovu vati kushaya mazita kwaita vamwe vanhu zvikuru mumadhorobha akaita seKaroi, Chegutu neKadoma mucherechedzo wekuti vagari vemumaguta havana kutevera kurudziro yavo yekuti vatarise mazita avo zuva resarudzo rusati rasvika.

Asi sachigaro wesangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network-ZESN-VaAndrew Makoni vanoti ZEC iri kuhwanda nemunwe.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anonzi ambodaidzwa paChengetanao Centre Ward 4 sezvo pane vanhu vanonzi vange vachiimba vachikurudzira vanhu kuti vasavhotere mutungamiri wenyika nebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG