Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Zvikuru muMaguta Votadza Kuvhota neKusarongeka kweZEC


People Waiting to Vote in Bulawayo
People Waiting to Vote in Bulawayo

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvo vanhu vakawanda zvikuru mumaguta vanonoka kuvhota.

ZEC yatenda kuti yanonoka kuendesa mapepa sezvo yange isina kudhinda akakwana.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reTripple C VaNelson Chamisa vavhota paKuwadzana 2 Primary vachichema chema nemabatirwo ari kuitwa sarudzo neZEC.

Vati, “Kuvhota hakuna kumira zvakanaka kunyanya mumadhorobha mavari kuda vamise kuvhota kwevanhu." Vaenderera mberi vachiti, "Asi kumaruzevha tiri kunzwa kuti varikushandisa mhirizhonga , kumanikidza nekumbunyikidza masabhuku nekutsveta zvisiri pamutemo FAZ irikunyora nekumanikidza vanhu kuti vhotai pakati. Taudzayo ZEC kuti hatisi kufara neink irikushandiswa nekusapiwa gwaro revavhoti.”

VaChamisa vati zvisinei nezvimhingaidzo zvaitika nhasi, vari kutarisira kukukunda.

Vati, “Chero vakaita sei Zimbabwe yarangarirwa naMwari wedu. " Vaenderera mberi vachiti, "Nyika ino yave nerugare. Takakunda isu.”

Kunyangwe zvazvo kune dzimwe nzvimbo muHarare kwamuka kune mapepa akawanda zvakanyanya anga achikurudzira vatsigiri vebato ravo kuti vasavhote sezvo sarudzo dzatobiridzirwa nechekare, VaChamisa vati awa mabasa evarikuziva kuti varikuzokundwa .

VaChamisa vachangobva, vari kukwikwidza kuKuwadzana West vakamirira Zanu PF VaTauya Mauka vabva vasvikawo vakaenda kumukuru weZEC vachinyunyuta kuti vatsigiri VaVaChamisa vaita ruzha nekuimba vachiti zvakanganisa vavhoti.

Vati, “VaChamisa vasvika pano vakanganidza vanhu panze zvisingatenderwi neZEC. Vamwe vavo vanga vakapfeka regalia panze . Zvinokanganisa vanhu vanenge vachida kunovhota.”

Asi mukuru weZEC anoona nezvesarudzo pavhotera VaChamisa VaWillie Mate vati , “Kuuya kwavaita vachiuya kuno kwabva kwazoita vanhu vakawanda zvavhiringidza asi isu tangoti vese vanga vachivhota nguvsa iyoyo vavhota. “

VaNyamubarwa Shaky vanga vachida kuvhotera kuAvondale kwanga kusina mapepa vati, “23 ranga riri zuva ranga richizivokanwa kubva kuZEC nekwese kuti izuva rekuvhota. Tauya kuti tivhote wonzwa kuti hapana epa rekuvhotera.”

Ambuya Tryness Ndaramasha vafamba kunzvimbo nhatu vachitsvaka zita vachirishaya vati, “Ndatodzungaira kuti ndochiita sei . Vakandikanda kure kwekuvhotera ini handina mota ndofamba sei.”

Kunze kwekunonoka kutumira mapepa, mamwe mapepa ekuvhotera ange akakanganiswawo pachipesaniswa mifananidzo yeCCC neZanu-PF.

Mumashoko kuvatori venhau, ZEC yati muHarare, zvikamu makumi maviri nezvitatu kubva muzana kana kuti 23% ndidzo dzavhura nenguva. kuMashonaland East ZEC yati zvikamu makumi mapfumbamwe nemashanu kana kuti 95% zvavhura nenguva zvimwe chetezvo nekuMashonaland Central. kuManicaland nzvimbo dzakurumidza kuvhura dzinonzi dzange dzichisvika zvikamu makumi masere nemashanu kana kuti 85%.

Vari kutungamira SADC mukuongorora sarudzo VaNervers Mumba vashora zvikuru nyaya yekunonoka kupihwa mapepa ekuvhota kwaitwa neZEC.

Sngano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti razivisa ZEC kuti ikasakurumidza kupa vanhu magwaro ekuvhota ichaiendesa kumatare. Mumashoko kuvatori venhau, ZEC yati yakanonoka kudhinda mapepa sezvo pange paine nyaya dzakawanda dzange dziri mumatare.

Yatiwo nzvimbo dzose dzanonoka kutanga kuvhota vanhu dzichavhurwa kusvika nemusi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG