Accessibility links

Breaking News

Sangano raVaJimmy Carter, Vaive Mutungamiri weAmerica Rorambidzwa Kuongorora Sarudzo dzemuZimbabwe


JIMMY CARTER
JIMMY CARTER

Sangano reCarter Centre rakavambwa nevaive mutungamiri wenyika yeamerica vajimmy carter iro rinoremekedzwa zvikuru pasi rose munyaya dzesarudzo nekupedza magakava rinoti hurumende yeZimbabwe iri kutsika madziro pakupa mvumo yekushanda vaongorori varo vesarudzo makumi matatu.

Sangano iri rinoti vaongorori varo gumi nevasere ndivo chete vakabvumidzwa kupinda munyika. Sangano iri raongorora sarudzo munyika makumi masere uye rinoti zvaitwa neZimbabwe hazvisati zvamboitika kwairiri mumakore makumi matatu aratanga basa iri.

Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu nevatori venhau kusanganisira veStudio 7 vakarambidzwa kupinda munyika vamwe vakadzingwa vasvika panhandare yendege muHarare.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushora zvikuru vamwe vaongori vesarudzo vachiti vari kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Bishop Ancelimo Magaya avo vakanyimwawo mvumo yekuongorora sarudzo vaudza Studio 7 kuti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurike.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG