Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vari Kuvhota Kekutanga Votaura neStudio 7


ZIMBABWE-ELECTION/YOUTH
ZIMBABWE-ELECTION/YOUTH

Pavanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu nezviuru matanhatu kana kuti 6,6 million vakanyoresa kuvhota musarudzo dzemangwana, pane vechidiki vakasvitsa makore gumi nemasere vakawanda vari kuvhota kekutanga.

Mumashoko padandemutande reX, raimbonzi Twitter, sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rakurudzira vose vari kunovhota mangwana kuti vatakure zvitupa zvavo zvesimbi, kana bepa kana zvinoratidza kuti vakatora zvitupa zvine mufananidzo chaiwo wavakatoresa gwaro iri.

Vanhu vanokwanisawo kuvhota nepassport. Asi rezinesi rekutyaira motokari kana kuti driver’s license harisi kubvumirwa.

Ko ivo vari kuvhota kekutanga vari kutiwo kudii nezvesarudzo iyi? Studio 7 yabata VaWhatmore Makokoba vati vanemufaro mukuru kuve vachinoshandisa kodzero yavo yekuvhota.

Izvi zvatsinhirwawo naVa Tafadzwa Mavhunga avo vati vari kutarisira sarudzo dzine runyararo uye kuti zvido zvevavhoti zviremekedzwe.

Muzvare Rudo Mahembe avo vaimbova kunze kwenyika uye vachivhotawo kekutanga mangwana musarudzo dzeZimbabwe vati vari kunovhotera kuZaka.

Muzvare Delight Chabata vativo vari kufara kunosarudza vatungamiriri vavanoda asi vachiti shuviro yavo ndeyekuti vanosarudzwa vaterere zvinotaurwa nevavhoti.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vati vavhoti vanofanirwa kutevedzera zvinotevera

Mukuru weProject Vote 263 VaYoungerson Matete vakurudzira vavhoti vane nharembozha kuti vagare vatarisa nzvimbo dzavanofanira kunovhotera.

Nyanzvi idzi dzakurudzirawo madzimai achanovhota kuti vasaise mushonga wenzara kana kuve nenzara dzisiri dzavo.

Sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabe Electoral Commission rakazivisa kuti vavhoti vakanyoresa kuvhota musarudzo dzamangwana mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana matanhatu zvine makumi maviri nevatatu nemazana mashunu negumi nemumwe 6 623 511.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZEC kuti vavhoti vari kuvhota kekutanga vangani sezvo tatadza kubata mutevedzeri wasachigaro wekomisheni iyi uye vakafanobatawo chigaro chemutauriri VaRodney Kiwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG