Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Yagadzirira Sarudzo Asi Vamwe Vanoti Yakabika Mbodza


Sachigaro weJustice Priscillar Chigumba
Sachigaro weJustice Priscillar Chigumba

Masangano anoshanda akazvimirira munyika pasi, pasi peCrisis in ZimbabweCoalition, ari kukurudzira veruzhinji kuno vhota nehuhwandu hwavo mangwana kunyange hazvo achiti sarudzo idzi dzinenge dzisina kuchena. Zimbabwe Electoral Commission kana kuti (ZEC) inoti yagadzirira uye iri kukurudzirawo veruzhinji kuti vanovhota musarudzo dzinonzi nenyanzvi dzichange dzichitarisa zvakanyaya panyaya dzehupfumi.

Munzvimbo dzakawanda dzekuvhotera dzaongororwa neStudio 7, zvekushandisa kuvhota zvakaita semaballot boxes nemaballots papers zvange zvasvika asi mune dzimwe nzvimbo zvange zvisatai zvasvika. Asi mutauriri weZEC, VaRodney Kiwa vati vaita gadziriro yakakwana.

Asi vachiparurwa gwaro ravo remamiriro akaita zvinhu pamberi pesarudzo muHarare nhasi mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga munyika

reCrisis in Zimbabwe Coalition VaObert Masaraure vati ZEC haikwanise kuitsa sarudzo dzakachena kunyangwe vari kukurudzira vanhu kuti vanovhote nehuwandu hwavo.

VaMasaraure vati kusaganhura miganhu zviri pamutemo kana kuti delimitation, uye kusapa vanopikisa gwaro revavhoti rinoshandisika nekudhinda mapepa ekuvhotera zvisina kujeka zvimwe zviri kupa kuti vati sarudzo idzi dzichaita mutauro.

Asi kunyange hazvo Crisis in Zimbabwe iri kuti ZEC yakundikana, ongororo ichangobva kuitwa nesangano reGallup rekuAmerica inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana zvayakabvunza zvakati zvine chivimbo nesarudzo dzemunyika.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti vanhu zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvichavhota zvirikutarisa nyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi VaMasimba Manyanya vati vanobvumirana nemaonero eGallup.

Izvi zvatsigirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic Development, Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambra.

Mutungamiriri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa avo vane makore makumi masere pamwe naVaNelson Chamisa veCitizens Coalittion for Change avo vane makore makumi mana nemashanu ndivo vari pamberi pasarudzo dzemutungamiriri wenyika idzo dzine vanhu gumi nemumwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG