Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voita Musangano Wavo weKupedzisira muHarare paMberi peSarudzo


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemudzimai wavo Amai Sithokozile Chamisa
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nemudzimai wavo Amai Sithokozile Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano webato ravo wekupedzisira munyika apo kwasara mazuva maviri kuti sarudzo dziitwe musi weChitatu svondo rino vachiti zviripachena kuti bato reZanu-PF ririkutya kukundwa musarudzo idzi.

Izvi zvatsinhira kutaura kwaVaChristopher Mutsvangwa mutauriri webato reZanu-PF svondo rapera vachitaura nevatori venhau. VaChamisa vati ivo Zanu-PF yabatwa nekutya sarudzo dzadai kusvika.

Mumwe wevatsigiri vetriple C vazviti vanonzi Mai Wenzira vemuHarare, vati chavarikuda chete kuvhotera vaChamisa, vachiti kuZanuPF hakuna chakanaka chingabudako.

Mumwewo mutsigiri wetriple C asina kuda kudomwa nezita ati iye haasi kutarisira chimwe chinhu kunze kwekukunda kwebato rake re triple CCC musarudzo idzi.

Asi VaGibson Nyikadzino vanoongorora nezvematongerwo enyika vati ivo kana VaChamisa nevatsigiri vavo vakaramba zvinenge zvabuda musarudzo kuchange kurikumhura masangano aripamutemo ezvesarudzo.

Ikuwo varikuzokwikwidza musarudzo dzekutsvaka mumiriri weparamende kuEpworth varikubato reZanu-PF VaTaurai Kandishaya vatsinhirawo mashoko aVaNyikadzino vakati zvinenge zvabuda musarudzo hazvirambike.

Zvichakadaro, mwanasikana wechidiki aita detembo rake achikurudzira ruzhinji kuti rwuvhotere VaChamisa musarudzo dzemusi weChitatu.

Sarudzo dzirikuuya neChitatu dzavakutofungirwa kuti hadzisi kuzobuda zvakanaka zvichitevera mhirizhonga yakatotanga kutekeshera nenyika izvi zvichitevera kuurawa kwakatoitwa mumwe wevatsigiri vetriple C kutanga kwemwedzi uno mumusha we Glenview muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG