Accessibility links

Breaking News

Mapurisa eKurova Vanhu paCopacabana Odzoserwa Mutirongo


Mapurisa achiri kudzidziri basa gumi nemapfumbamwe (19) epaMkushi Training Camp, iyo yaimbonzi Morris Depot, ari kupomerewa mhosva yekurova vanhu zvakaipisisa paCopacabana muHarare nemusi weChishanu manheru akandwa mutirongo nhasi achimirira kunzwa mutongo wedare ramajistitiriti pachikumbiro chawo chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso here kana kuti kwete.

Gweta remapurisa aya VaNorman Mugiya vaudza Studio 7 kuti vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.

VaMugiya varambawo kuti mapurisa aya akasungirwa mukati meguta vachiti vazhinji vavo vakasungirwa kuMkushi Training Camp.

Mutikitivha ari kuferefeta nyaya iy, VaDavison Ngesi, vari kuramba kuti mapurisa aya apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vachiti mhosva yavakapara ihombe uye vanogona kutiza nyaya isati yatongwa.

Muhumbowo hwavo kudare, VaNgesi, vati mapurisa aya akaenda mudhorobha kunorova vanhu paCopacabana achitsiva kurohwa kwainge kwaitwa vamwe vavo vaviri vanoti Takaka Keith Kaseke naAnymore Ndhlovu nevanhu voona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano revagari reCombined Harare Residents Association, VaRuben Akili, vati vanotambira kusungwa kwemapurisa akatyora mutemo aya vachiti ndozvinofanira kuitika nguva dzese.

Mune imwewo nyaya, dare ramajistireti nhasi raenderera mberi richinzwa chikumbiro chenhengo makumi mana dzeCitizens Coalition for Change (CCC) idzo dzirikuda kutongwa dzichibva kumba panyaya yadziri kupomerwa.

Nhengo idzi kusanganisira VaGrandmore Hakata vari kukwikwidza musarudzo dzeparamende vakamirira bato iri kuGlen View South dzakasungwa nemusi weChipiri chapfuura dzichipomkerwa mhosva yekukanganisa mamiriro ezvinhu kana kuti Disorderly conduct apo dzaitsvaga rutsirgo rwebato ravo dzichitenderera mumigwagwa nemotokari.

Nhasi dare ranzwa humbowo kubva kuvakuru vemapurisa pamakamba eHighfields neGlen View uuye vachuchusi vari kupikisa chikumbiro chekuti vanhu ava vatingwe vachibva kumba kwavo.

Zvichakadaro, daro reHigh Court richanzwa mangwana nyaya yakakwidzwa kumatare nemagweta anorwira kodzero dzevanhu anoti VaArnold Tsunga, VaMusa Kika , Bishop Ancelimo Magaya naVaDalphin Magaya yekurambidzwa kuongorora sarudzo. Zimbabwe Lawyers for Human Rights ndiyo iri kumirira vana ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG