Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Rwendo Rwuno Zanu-PF Yanyangira Yaona


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato reCCC, VaNelson Chamisa vati bato reZanu PF ririkuda kubirira sarudzo dziri kuuya, asi richabondera pane zvariri kuda kuita, nekuti ranyangira yaona.

Vachitaura kuzviuru zvevanhu zvazadza nhandare yeWhite City Stadium nhasi, VaChamisa vati mwaka uno, bato ravo harisi kuzobvuma kubirwa sarudzo, sezvakaitika musarudzo dza2018, apo pavanoti vakakunda Zanu PF, asi vakabirirwa.

VaChamisa, “Takatoudza veSADC kuti Zanu PF irikuda kubirira musarudzo.” Vaenderera mberi vachiti, “Mukatarisa, vakagadzira mapepa ekuvhotera vasina kumbobvunza munhu, uye magadzirirwo arakaitwa ndeekuda kubatsiridza VaMnangagwa. Asi zvavakatiita muna 2018 zvekutibira, tikaramba takanyarara, hakuna zvakadaro rwendo rwuno. Hatisi kuzobvuma zvichabuda musarudzo, kana zvisiri zvekuti ndakunda pakuva mutungamiri wenyika.”

Vaenderera mberi vachiti kana bato ravo rikapinda muhutongi, richagadzirisa nyaya yekupondwa kwakaitwa zvizvarwa zvemuMidlands neMatabeleland, nemauto emuno kumakore ekuma 1980, chiitiko chinozivikanwa nekunzi Gukurahundi.

Vati, “Nyaya iyi inoda kugadziriswa zvakanaka, nekuti haisati yapera.” Vatizve, “Asi kuti igadzirwe, vakakanganisirwa vanoda kubvunzwa kuti chii chavanoda kuti chiitwe kuti vakwanise Kuwana kugadzikana pamusoro penyaya iyi. Ini ndikapinda muhutongi, ndichaita kuti igadzirisike nyaya yeGukurahundi, ichikotsverwa nevakakanganisirwa.”

VaChamisa vavimbisawo kushandura chimiro cheguta reBulawayo, pamwechete nematunhu ese eMatabeleland, vachiti ava nenguva yakareba achisara kumashure segotsi.

Vati Bulawayo inofanira kudzoka kuita nzvimbo inoita maindasitiri makuru munyika, uyezve zvido zvemushakabvu, vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoshua Nkomo, zvekuti vanhu vemuZimbabwe vabatane kuti nyika ienderere mberi, vachazvizadzisa.

Asi vaFarai Marapira, vakafanobata chigaro chemukuru wechikamu chezvekubuditswa kwemashoko muZanu PF, varamba kuti bato ravo ririkuda kubirira musarudzo dziri kuuya.

Vati, “VaChamisa munhu anonyeba.” Vati, “Mugore ra2018, vakati Zanu PF yaida kubirira musarudzo, asi vakati vaive varonga nzira yekuti kubirira uku kubuditswe pachena. Asi vakashaya humbowo kumatare.”

Vari kuda kuita kanzura weWard 7, kuMakokoba, muBulawayo, vakamirira CCC, Amai Thandiwe Moyo, vanga variwo kumusangano uyu, vakurudzira ruzhinji kuti rwuvhotere bato ravo musarudzo dzemusi weChitatu. Amai Moyo, “Ndiri kukoka munhu wese zvake, kuti auye kuzovhotera bato reCCC musarudzo dziri kuuya- kubva kumutungamiri VaChamisa, vamiriri vedare reparamende, pamwechete nemakanzura.” Vatizve, “Hurumende yavaChamisa, ndiyo yega inogona kuunza shanduko muhupenyu hwevanhu.”

Mashoko aAmai Moyo atsinhirwa nemumwe wechidiki anga ari muWhite City Stadium, VaThompson Shava, avo vati vanonokerwa nekuti VaChamisa vapinde panyanga. VaMoyo vati, “Kubva kumwana mudiki, kusvika kuvatana, munhu wese akaomerwa.” Vatiwo, “Saka vanhu vari kuziva pekunoisa vhoti yavo, panogona kuita kuti zvinhu zvigadzikane; pana Advocate Nelson Chamisa. Hakuna munhu achada kudzoserwa kumashure nehutungamiri huripo, saka kukunda kwebato redu kuri pachena.”

Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaElton Ziki, vati mashoko avaChamisa ekuti kana vakasabuda vari ivo vakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, havasi kuzobvuma kukundwa, mashoko asina kunaka.

VaZiki vati, “Tine chikamu chinoona nezvesarudzo cheZEC, saka zvakakosha kuti vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika, asamhure chikamu ichi.” Vatiwo, “Uyewo, vatungamiri ava vanofanira kuziva kuti musarudzo, mumwe anokunda, mumwe anokundwa, asi ngavagadzirire kutambira zvinenge zvataurwa. Mashoko enoita sekuda kupesvedzera, munhu achiti kana ndikasakunda, sarudzo dzaitwa zvisizvo, handizvo.”

Musangano uyu waona VaChamisa vachigadzawo VaDavid Coltart kuti vagova Meya weguta reBulawayo vakakunda musarudzo dzakanzura. Asi pamutemo makanzura ndiwo anovhotera meya.

Uyu wanga uri musangano wekupedzisira webato reCCC mumatunhu eMatabeleland neBulawayo, uye VaChamisa vari kutarisirwa kupeta kutsvaga rutsigiro rwesarudzo dziriko musi weChitatu chino, mangwana kuHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG