Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeZvematongerwo eNyika Dzinoti Zvimhingamipinyi Zvakasagadziriswa Zvichabuda muSarudzo Zvinogona Kukonzera Mutauro


Bhuku raparurwa neZESN neUniversity of Zimbabwe
Bhuku raparurwa neZESN neUniversity of Zimbabwe

Dzimwe nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinoti kuchine zvimhingamipinyi zvekuti zvikasagadziriswa pachaita mutauro pane zvichabuda musarudzo dziri kutarisirwa munyika musi weChitatu chinouya.

Vachitaura pavaparura bhuka rinonzi , “The Route Towards 2023 Harmonised Elections in Zimbabwe” muHarare, mupepeti webhuku iri uye vari mudzidzisi wezvidzidzo zvematongerwo enyika kuUniversity of Zimbabwe, Doctor Solomon Muqayi, vati bhuku iri rinotarisa zvakaitwa pamwe nezvinoda kuitwa kuti kuve nesarudzo dzejekerere.

Vati rinotarisa zvakaitwa munyika kubva zvakaitwa sarudzo dzapera muna 2018 kusvika pagadziriro yesarudzo dziri kutarisirwa mwedzi uno.

Doctor Muqayi vati nyaya yekuwaniswa kwegwaro revavhoti kune veruzhinji ndiyo imwe yezvinhu zvisina kugadziriswa musarudzo dza 2018 uye gore rino, vachiti kumatare kwakaendeswa nyaya dzakawanda zvakanyanya dzine chekuita nesarudzo dzegore rino.

“Tichitarisa zvimhingaidzo tiri kuona kune nyaya dzakawanda dzakaendeswa kumatare, imwe yekutanga iri yegwaro revavhoti. Vanopikisa vari kuti havasati vabata gwaro richashandiswa. Tichiona pane nguva tiri kumashure kwenguva uyezve ndizvo zvakaitika muna 2018 zvekare.”

Vatiwo mutsvakiridzo yavo, zvavanoona zvaedza kugadziriswa munyika inyaya yekukurudzira runyararo uye kutarwa kwemiganhu, kunyangwe hazvo nyaya yemiganhu yakakonzerawo mutauro munyika.

Mupepeti, VaSolomon Muqayi
Mupepeti, VaSolomon Muqayi

Vachitaurawo neStudio 7 pachiitiko ichi, muongorori wezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vati bhuku raparurwa iri rakakosha zvikuru sezvo zvichitsanangura nzira yafambwa nayo munyaya dzesarudzo.

Vati zvimhingamipinyi zviri kutaurwa mubhuku iri, zvinosanganisira kusagadziriswa kwenyaya yegwaro revavhoti, kusatarwa kwemiganhu zvinogutsa nezvimwewo, zvichavhiringidza kuti sarudzo dzeChitatu svondo rinouya dzive dzejekerere.

“Zvinoratidza kuti sarudzo yedu gore rino haina kuita zvakanaka. Pane kupokana kwakawanda. Nyaya yekutarwa kwemiganhu yakanetsa, nyaya yegwaro revavhoti haisati yagadziriswa uye zvinyorwa zvemubhuku zvichitsanangura nyaya yemapepa ekuvhotesa ndezvimwe zvichakonzera kupokana.”

VaNgwenya vatiwo kunyangwe hazvo kwasara mazuva mashoma kuenda kusarudzo, zvimwe zvibingaidzo izvi zvinogona kugadziriswa.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde Vava, vati zvinyorwa izvi zvakakosha senzira yekuratidza panoda kugadziriswa pamwe nezvinenge zvagadziriswa,kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dziri pachena.

Amai Chipfunde-Vava vati, “Tinokurudzira kuti zvanga zvakanaka zvichengetwe, zvinoda kugadziriswa zvoiswawo kunyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo.”

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava
Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava

Studio 7 yakundikana kunzwa kuZimbawe Electoral Commission, kana kuti ZEC, sezvo tatadza kubata sachigaro vekimosheni iyi Justice Priscilla Chigumba, mutevedzeri wavo uye vari mutauriri weZEC, VaRodney Kiwa, kanawo mushandi mukuru, VaUtoile Silaigwana.

Asi vachitaura musi weChipiri kuvaongorori vesarudzo, Justice Chigumba vakati ZEC yagadzirisa zvese zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dzejekerere uye zvinhu zvose zviri kufamba sezvinotarisirwa.

Asi bato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change rakatoendesa nyaya yekusapiwa gwaro revavhoti rine nzvimbo dzekuvhotera kumatare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG