Accessibility links

Breaking News

Vaongorori veSarudzo veCommonwealth neSADC vari muNyika Pamberi peSarudzo Vokurudzira Sarudzo Dzakachena Uye Dziri paJekerere


Vaongorori vesarudzo veCommonwealth vari muZimbabwe.
Vaongorori vesarudzo veCommonwealth vari muZimbabwe.

Vari kuongorora sarudzo vakamirira masangano eCommonwealth neSADC vakurudzira mapato ezvematongerwo enyika, vatsigiri vavo nevose vane chekuita nesarudzo kuti vaite sarudzo dzakachena uye dziri pajekerere, vachiti kuita izvi kunoita kuti munyika muve runyararo nebudiriro.

Vataura izvi apo vamwe vari kugunun’una kuti vamwe vaida kuongororawo sarudzo idzi vari kunyimwa mvumo nehurumende.

Vaongorori vesarudzo vekunze kwenyika.
Vaongorori vesarudzo vekunze kwenyika.

Pamusangano wavo wekutanga nevatori venhau pamberi pesarudzo, sachigaro wechikwata chevanhu gumi nevana cheCommonwealth, Ambassador Amina Mohamed vekuKenya, vati zvakakosha kuti mapato ezvematongerwo enyika nevatsigira vavo vaone kuti vaita zvese zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dzakachena.

“Mapato ese nevatsigiri vavo ngavateveedze hwaro whekuita sarudzo dzakachena, pajekerere uye tino kurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zviite sarudzo murunyararo svondo rinouuya.”

Vati vanoda kuti Zimbabwe ive nehutongi hwejekerere, uye vari munyika kuzoongorora kuti nyika iri kutevedza mitemo yayo here pamwe nezviga zvayakabvumirana nedzimwe nyika.

Vaongorori vesarudzo veSADC vari muZimbabwe.
Vaongorori vesarudzo veSADC vari muZimbabwe.

Vari kutungamira chikwata cheSADC, Doctor Nevers Mumba vekuZambia, vakurudzira vana veZimbabwe kuti vanovhota vachitiwo zvakakosha kuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo.

VaMumba vati “Tinokurudzira vese vane chekuita nesarudzo kuti vanoe kuti dzaitwa murunyararo, pajekerere uye pachena.”

Vaenderera mberi vachiti kuita sarudzo dzakajeka uye murunyararo kunounza runyararo nebudiriro uye izvi zvakanakira Zimbabwe, SADC neAfrica yose.

Vaenderera mberi vachiti. “Sezvo Zimbabwe iri nhengo yeSADC, tauya semhuri kuzoitsigira kuti zvinobuda musarudzo idzi zvisabatsire Zimbabwe chete asi kuti dunhu rese reSADC neAfrica.”

Chikwata cheSADC chine vanhu makumi matanhatu nevasere kubva kunyika pfumbamwe. VaMumba vatiwo zvinofadza kuti pari zvino zvinhu zvichakagadzina muZimbabwe, kunyange hazvo vanopikisa vari kuti vari kushungurudzwa nenhengo dzebato riri kutonga reZanu PF munyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG