Accessibility links

Breaking News

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition Roshushikana neKurambidzwa kweVatori veNhau neVaongorori veSarudzo Kupinda muNyika kuZoona Sarudzo


Voice of America
Voice of America

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti riri kushushikana nekunyimwa mvumo kwevatori venhau vemamwe masangano ekunze pamwe nevamwe vanoongorora sarudzo vaidza kupinda munyika kuti vashande vari muZimbabwe munguva yesarudzo.

Vatori venhau veVoice of America vaviri vaifanirwa kubva kuWashington D.C. vachinotapa nhau vari munyika munguva yesarudzo vakanyimwa mvumo yekuita izvi nehurumende, kunyange hazvo bazi rezvekuburitswa kwemashoko risina kupa zvikonzero.

Mumwe mutori wenhau ane mukurumbira Chris Maroleng, uyo ave kushandira sangano re Good Governance Africa achishanda ari muSouth Africa nevamwe vake vatatu vakadzingwawo munyika nemusi weChina mushure mekunge vapinde muZimbabwe neChipiri vachida kuita tsvakurudzo pamusoro pesarudzo.

Nhepfenyuro yekuGermany yeARD German Radio and Television inoshanda iri muSouth Africa yakazivisawo kuti yakanyimwa mvumo yekushandira munyika munguva yesarudzo pasinawo kupiwa zvikonzero.

Mutori wenhau ari pabasa.
Mutori wenhau ari pabasa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Doctor Musa Kika, vanoshanda vari muZimbabwe vakanyimwawo mvumo neZimbabwe Electoral Commission yekuti vaongorore sarudzo ichipa chikonzero chine chekuita nekuchengetedzwa kwenyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaTerence Chitapi, vati sangano ravo harisi kufara nekurambidzwa kupinda munyika kwevatori venhau pamwe nekunyimwa mvumo yekuongorora sarudzo uku.

“Zvinhu zvatagara tichinyunyuta nezvazvo kuti kana dzingori sarudzo dziri pajekerere munhu wese ngaabvumidzwe kuuya kuzoona. Vanoona vanofanira kusununguka kutaura zvavanenge vaona. Dzimwe nguva tinoona sekuti panongosheedzwa vano taura zvinoda kunzikwa nehurumende.”

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe vanoti zviri kuitwa nehurumende zvinoratidza kuri iri kutya.

“Zvinotaridza chose kuti vava kuvhunduka simba revanhu. Zvisineyi zvagara zvichingozikanwa kuti vanhu ndovanodzika hutungamiri hwenyika nemusarudzo dzejekerere dzakasununguka.”

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa. (Columbus Mavhunga/VOA)

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo nharembozha dzegurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa pamwe nemunyori mukuru mubazi ravo, VaNick Mangagwa, dzange dzisiri kudairwa.

Zimbabwe ichaita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende pamwe nemakanzuru nemusi wa 23 Nyamavhuvhu, chinove Chitatu svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG