Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva Yekutyisidzira Nhengo yeCCC Pamberi peVaongorori veSaudzo veEU


EU Election Observers
EU Election Observers

Vanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekutuka nhengo yebato rinopikisa reTriple C pamberi pevaongorori vesarudzu kubva kusangano reEuropean Union kwaZvimba.

Vaongorori vesarudzo ava vaitaura nemumiriri weTripple C vari kukwikwidza musarudzo dzekwaZvimba West VaMekia Tanyanyiwa paMurombedzi pavaiita musangano wekutsvaga rutsigiro.

VaTanyanyiwa vanoti pavakatanga kutaura nevaongorori vesarudzo pakabva pasvika imwe motokari yaive nevanhu vana vainge vakapfeka nhumbi dzebato reZanu PF vachida kuziva kuti chii chaidiwa neveEU kubva kuna VaTanyanyiwa.

Vaenderera mberi vachiti pavakatuma imwe nhengo yebato ravo kunotora simbi kumotokari vanofunga kuti vanhu ava vakafunga kuti vave kutora pfuti zvakapa kuti vaite chitsoka ndibereke vachitiza. Vanoti vaongorori veEU vakabvawo vatiza

Vanoti vane pfuti iri pamutemo uye vakasiya basa muchipurisa vave nenyembe yepamusoro yaAssistant Commissioner.

Asi vachipindura mubvunzo weStudio 7, veEU vati pane vanhu vakadarika nepavaiita musangano naVaTanyanyiwa vachidaidzira mashoko avasina kutaura. Vati havo musangano wakazoenderera mberi. Asi VaTanyanyiwa vanoti veEU ava vari kurova havo imbwa vakaviga mupini.

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZamu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti havaite zvemhirizhonga uye hurumende yavo ndiyo yakakoka vaongorori ava.

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network-ZESN-VaAndrew Makoni vanoti hapana chakaipa kuti vaongorori vesarudzo vataure nenhengo dziri kukwikwidza nevamwewo vane chekuita nesarudzo.

Mumazuva adarika, mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vange vachiyambira vaongorori vesarudzo kuti vasapindire mune zvavari kuti zvematongerwo enyika.

VaCharamba vari kunyanya kushora veThe Carter Centre inotungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaJimmy Carter uye veEllen Johnson Sirleaf Centre inotungamirwa nevaive mutungamiri weLiberia Amai Ellen Johnson. Masangano aya anoremekedzwa pasi rose nekusatora divi panyaya dzesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG