Accessibility links

Breaking News

CCC Yoshora Kusungwa kweNhengo Dzayo Ichiti Mabasa eZanu-PF


Mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere
Mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C riri kushora zvikuru kusungwa kwenhengo dzaro makumi mana kuGlen View richiti zvinoratidza kuti bato reZanu-PF ririkutya sarudzo.

Asi bato reZanu-PF rinoti riri kuda kudyiswa mafuta enguruve yarisina kudya.

Vakasungwa vachitsvaga rutsigiro nemotokari ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva mangwana.

Vari kumirira Tripple C musarudzo dzenhengo yedare reparamende kuGlen View South VaGrandmore Hakata, vari pane vakasungwa ava.

Gweta revasungwa ava VaKudzai Kadzere vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vati nhasi vapomerwa mhosva zviri pamutemo.

Vachitaura nhasi nevatori venhau, mutauriri webato reTripple C, Muzvare Mahere vaudza vatori venhau muHarare kuti aya mabasa eZanu-PF. Muzvare Mahere vati, “Pakasungwa vatsigiri vedu makumi mana vanotova kumapurisa kutaura kudai, asi isu chinotishamisa zuva nezuva bato reZanu-PF rinounganidza vanhu pasina mvumo inobva kumapurisa, asi bato iri rinongoita zvarinoda.” Vaenderera, “ Zvakaitika izvi zvinoratidza kuti bato reZanu-PF ririkutya kukundwa musarudzo nebato reTripple C.”

Asi vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanuPF VaFarai Marapira varamba mhosva yavari kupomerwa.

“Chinoita kuti mashoko anotaurwa neveTripple C aonekwe kuti ndeenhema panhau dzekupomera bato reZanu-PF zvemhirizhonga, ndechekuti tikabvisa zvavarikunyeba nezvemhirizhonga, chii chmwe chavangataura nezvavakaitira vana veZimbabwe?” Vakadaro VaMarapira.

Mumwe mutsigiri weTripple C VaElvis Mugari vanoti kusungwa kwevanopikisa kuchapa kuti kutambira zvabuda musarudzo kunetse.

“Kusungwa kwakaitwa nhengo dzeTripple C kunoratidza kuti sarudzo dzatiri kupinda madziri svondo rinouya isarudzo dzisina kujeka,” VaMugari vakadaro vachitaura nenhepfenyuro yeStudio 7.

Asi vari kumiririra Zanu-PF kuEpworth VaTaurai Kandishaya vati hapana nhunzi inomhara pasina ronda.

Vati, “Musasanganisa Nyaya dzekusungwa idzi nesarudzo.” Vaenderera mberi vachiti, “Mutemo mutemo. Hapana mutemo unoshanda pasarudzo chete. Mapurisa haashanduke nekuti ava mazuva esarudzo, saka vanhu kana vasungwa varimakumi mana, ngatitsvakei kuti vasungirwei, asi chinoita kuti munhu asungwe, kunge painefungidziro yekuti paparwa mhosva.”

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakaudza vatori venhau kuti nhengo dzeTripple C idzi dzakasungwa sezvo dzakakumbira kuita musangano paChuru Farm asi dzikazofamba nemotokari dzichitsvaga rutsigiro kuHighfield.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG