Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovimbisa Kugadzirisa Matambudziko eMauto, Asi VaChamisa Vanoti Vakzvinonokera


Zimbabwe President and VP Chiwenga 2
Zimbabwe President and VP Chiwenga 2

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatungamira hurongwa hwezuva remauto kana kuti Zimbabwe Defence Forces Day vachishora nyika dzavati dzinoda kushandisa chisimba dzichitemera dzimwe zvirango. Hurongwa uhu hwaitirwa kunhandare yeNational Sports Stadium muHarare.

VaMnangagwa havana havo nyika yavadoma kuti ndiyo iri kuita zvembabvu nekutemera dzimwe nyika zvirango asi ivo nevamwe vatungamiri vehurumende yavo nevavanodyidzana navo vakatemerwa zvirango neAmerica nedzimwe nyika dzekumawirira vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo. Asi ivo vanoti vakatemerwa zvirango nekuti vakatora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Vavimbisawo kugadzirisa mamwe matambudziko ari kusangana nemauto akaita sekushaya motokari dzebasa uye dzimba dzekugara.

VaMnangagwa vatiwo pane mauto makumi matatu nematanhatu eZimbabwe akaenda kunoita mabasa ari pasi peUnited Nations pahurongwa hwakanangana nekubatsira gungano reAfrican Union

Vachitaurawo kwaSeke nhasi, mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vatiwo vakasarudzwa vachadzorera chiremera kumauto.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paAfrica University Doctor Alex Rusero vati mauto haafanire kupinzwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vanopikisa vanochema chema kuti mamwe mauto anomboshandiswa munyaya dzezvematongerwo enyika kutyora kodzero dzevanhu. Muna 2017 mauto akatungamirawo hurongwa hwekupidigura hurumende yamushakabvu Robert Mugabe.

Mhemberero dzekupembedza mabasa ari kuitwa nemauto dzaitwa mumatunhu akasiyana siyana munyika dzichitungamirwa nemakurukota ematunhu.

Forum

XS
SM
MD
LG