Accessibility links

Breaking News

Amai Valerio Voparura Chirongwa cheMazuva Gumi Chekutsvaga Rutsigiro rweKutungamira Nyika


Amai Elisabeth Valerio vanotungamira United Zimbabwe Alliance.
Amai Elisabeth Valerio vanotungamira United Zimbabwe Alliance.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa reUnited Zimbabwe Alliance-UZA-Amai Elizabeth Valerio vari kuenderera mberi nekushandisa motokari vachitsvaga rutsigiro muzvimbo dzakasiyana siyana muchirongwa chavo chemazuva gumi chekutsvaga rutsigiro kana kuti “10 Day Presidential Road Trip.”

Amai Valerio nhasi vange vari kuKaroi, Magunje, Makonde vachisangana nevanhu nevamwe vari kumirira bato ravo musarudzo dzemakanzura. KuMagunje, Amai Valerio vaudza Studio 7 kuti pane mumwe mutsigiri weZanu-PF avaudza kuti havatenderwi kutsvaga rutsigiro munzvimbo iyi sezvo iine varidzi vayo vanova Zanu-PF.

Vati vaudza murume uyu kuti Zimbabwe inyika ine hutongo hwejekerere uye vanhu vakasungunuka kuenda kwavanoda. Bato reZanu-PF rinoti rinotevedzera mashoko emutungamiri wenyika ekuti vanoda runyararo.

Amai Valerio vanoti vari kugamuchirwa havo zvakanyanya uye havasi kusangana nematambudziko sezvo vanga vakazivisa mapurisa. Vati, “Tiri kugamuchirwa zvakanaka kwese kwatiri kuenda.” Vatizve, “Zvatiri kuita takazivisa mapurisa hapana dambudziko” Amai Velario vanodaro

Nezuro, Amai Valerio vaifamba nemotokari vachivimbisa kushandura zvinhu vakasarudzwa. Vaudza studio 7 kuti, “Kurarama kwatiri kuita hakusi normal, madzimai ari kuno wachira nekugeza murwizi hazvisi normal. Tichaita kuti vanhu vararame zvakanaka vaine zvinovakwanira mukurarama kwavo” Amai Valerio vanovimbisa

Patakavabvunza kuti sei vasiri kuunganidza vanhu sezviri kuita mamwe mapato, Amai Velario vakati nguva yekutsvaka rutsigiro yave pfupi sezvo vakanonoka kupinda mundima.

“Takanonoka kutsvaka rutsigiro sezvo tainge tiine nyaya yekupinda kwangu musarudzo kumatare tiri kufamba tichitaura nevanhu tichinzwa zvavanoda” Amai Valario vanotsanangura

Mumwe akapinda musangano waAmai Valerio, Muzvare Rufaro Chatikobo vati , “Ndinoda hurumende inotungamirirwa nemadzimai isina hutsunye uye ndinofunga kuti ndiyo inounza budiriro”

Mumwe anga achitsvaka rutsigiro nhasi mutungamiri webato rinopikisa reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku avo vange vari muHarare nhasi. VaMadhuku vati, “Nhasi ndatora mukana wezororo remagamba kutaura nevanhu vanenge vachitengesa mumugwagwa vasina kuzororo kwavanoenda” Vaenderera mberi vachiti, “Ndanga ndichivaudza kuti nyika yave kuda rimwe bato risiri Zanu-PF kuti ritungamire”

Mutauriri webato guru rinopikisa reCitizen Coalition for Change-CCC-VaOstalos Siziba vanoti mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vanga vakazorora nhasi.

Sarudzo dzegore rino dziri kuitwa musi wa23 Nyamavhuvhu uye Amai Valerio ndiye mudzimai chete ari kukwikwidza chigaro chekutungamira nyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG