Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zvavanoti Zvibwasungata Hazvitongi Nyika


FILE - President Emmerson Mnangagwa of Zimbabwe
FILE - President Emmerson Mnangagwa of Zimbabwe

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatungamira hurongwa hwekurangarira magamba enyika nekuradzika mamwe maviri vachipika kuti nyika haife yakatongwa nevavati “zvimbwasungata zvehurumende dzekumawirira.”

Asi mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vakamboti ivi VaMnangagwa ndivo vanotiawo sechimbwasungata cheRussia vachitsigira kupamba kwayo Ukraine.

Magamba maviri aradzikwa nhasi ndiAmbassador Johannes Tomana vaimirira nyika kuDRC uye vaimboshanda kumajeri VaMilton Siziba. Vaviri ava vakashaya mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Vachitaura pakuvigwa kwemagamba maviri aya, VaMnangangwa vati, “Zimbabwe haizofa yakatongwa hehrunende yevatengesi, hazvisofa zvakaitika.”

VaMnangagwa vati VaTomana, VaSiziba nevamwe varere paHeroes Acre vakarwira kuti nyika ive nerunyararo.

VaMnangagwa vati, “Mushure mekuenda kuhondo kwemakore makore gumi nematanhatu takazvipira kuchengetedza rusununguko rwedu neropa redu”

VaMngagagwa vakurudzirawo vanhu kuti vavhote murunyararo munguva yesarudzo. Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vari kuti vari kuita mhirizhonga vakawanda havasi kusungwa nemapurisa zvikuru vanotsigira bato reZanu-PF. Asi Zanu-PF inoti iri ibasa remapurisa.

Vatiwo hurumende yavo iri kuvandudza hupfumi kunyange yave nemakore makumi mana nematatu yakatemerwa zvirango zvehupfumi. Asi vakatemera zvirango izvi vanosanganisira hurumende yeAmerica vanoti hazvina kutemerwa nyika asi VaMnangagwa nevamwe vavo vanopomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Meya veHarare, VaJacob Mafume avo vange varipowo paHeroes Acre, vati zvakakosha kuremekedza magamba vachiti basa ravakaita rakakoshera munhu wese muZimbabwe. Vatiwo zvakakosha kuti vanhu vavhote murunyararo.

VaMafume vatiwo hapana anoda kuti nyika itongwe nevatengese vachiti bato ravo reCitizens Coalition for Change harisi bato revatengesi.

Vati, “Nyika haitongwi nemapapeti ehumbavha, nyika haitongwi nemapapeti ehuwori , nyika haitongwi nemapapeti ezvinhu zvakasiyana siyana tose tinoda kuti nyika itongwe nevana veZimbabwe vatungamiriri wevese varipo. VaChamisa mwana weZimbabwe, havasi papeti, hapana anoda nyika inotongwa nepapeti.”

VaMnangagwa vatiwo VaTomana munhu akaita basa guru zvikuru munyaya dzemutemo.

Izvi zvatsigirwa nemunyori mukuru mubazi rezve mitemo, Amai Virginia Mabhiza avo vakadzidza nekushanda naVaTomana avo vati “Taitombonyora zvinyorwa zvataipa kune vechidiki kuti vakwanisa kusvika pachinhano chatange tave munyaya dzemutemo. Saka nhasi ndinoda kuti kune mumwe wedu fambai zvakanaka VaTomana tichasanganiswa naiye musiki.”

VaTomana vakambotemerwa havo zvirango neAmerica vachinzi vaitarisa kuti wabuda mumba maani pakuchuchisa vanhu.

Nhengo yeZanu PF Central Committe vaTshinga Dube vati vaSiziba munhu akashandira nyika yake kubva kuhondo uye anokodzera kuradzikwa paHeroes Acre”

“Akashanda zvikuru, akaenda kuZambia ari kuZIPRA akaratidza hunyanzvi hwake.” Vadasro VaDube.

Hurongwa hwekurangarira magamba hwaitwawo mumatunhu ose enyika. Asi vamwe varwi vehondo yerusungunuko vakaita sevaive mutauriri webato reZanu-PF VaRugare Gumbo vati havasi kufara negwara ratora nyika.

VaGumbo vatiwo havawirirane nenyaya yekuti vakarwa hondo chete vatungamire nyika.

Zimbabwe yakawana rusungunuko muna 1980 mushure mehondo yakadeuka ropa revanhu vakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG