Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weZanu PF Vari Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanokurudzira veMakereke kuNamatira Runyararo muNguva dzeSarudzo


Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vapinde kereke nenhengo dzekereke yeJohanne Masowe kuGoora kuMadziwa, mudunhu reMashonaland Central, uko kwaungana nhengo dzekereke iyi dzabva mumatunhu akasiyanasiyana pamwe nenyika dzakasiyanasiyana dzichisangana pagungano radzo guru repagore.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vati kereke iyi inofanirwa kuramba ichinamatira runyararo munguva yesarudzo.

Mutungamiri wenyika vati hurumende yebato ravo reZanu PF inoramba ichiteerera nekugadzirisa zvido zvevanhu uye inoramba ichisimudzira nyaya dzebudiriro. Vatiwo vane chivimbo chekuti rinokunda musarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu, unove mwedzi uno, uye vakurudzira vanhu kuti vabude nehuwandu hwavo kunovhota kuitira kuti bato ravo riraambe richitonga kuitira kuchengetedza nhaka yenyika.

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vanoti “VaMnangagwa vanga vachifamba neshoko ravo rerudo nerunyararo nerekuvaka nyika.”

Panyaya yekuti zvii zviri kuvimbiswa nebato ravo kune vavhoti, VaMarapira vanoti mabasa ari kuitwa nebato ravo anotaura oga.

“Isu sebato reZanu PF tiri kugadzirisa nyika tichitungamirirwa naVaMnangagwa. Zvaizvezvi, Zanu PF ndiyo yoga iri kuita mabasa akanaka mukati menyika yeZimbabwe. Zvaizvezvi VaMnangagwa ndivo voga munhu akakodzera kutungamira Zimbabwe nekuti vari kuita mabasa anooneka.

"Vamwe chinhanho ichocho vakachipiwa, mari dzacho vakadzisvitswa. Mari idzodzo vanotora zuva nezuva pavanhu ve parking, asi chinobuda pairi hapana,” vanodaro VaMarapira.

NeChishanu VaMnangagwa vakanga vari kuMvuma uko vakasangana zvakare nenhengo dzeimwe kereke yevapositori.

Makwikwi makuru pasarudzo yemutungamiri wenyika anonzi nevanoongorora zvematongerwo enyika ari pakati paVaMnangagwa nemutungamiri weCitizens’ Coalition for Change, VaNelson Chamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG