Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ari Kutarisira Kuvhota muSarudzo dzeGore Rino Oshuvira Hurumende Inokoshesa Hutano, Hupfumi Pamwe neDzidzo


Mudzimai achivhota musarudzo. Madzimai ari kuti anoda hurumende inovawanisa zvakakosha muhupenyu.
Mudzimai achivhota musarudzo. Madzimai ari kuti anoda hurumende inovawanisa zvakakosha muhupenyu.

Apo sarudzo dzasara mazuva gumi nemaviri kuti dzitwe munyika, madzimai ari kutarisira kuvhota musarudzo idzi anoti anoshuvira hurumende inokoshesa nyaya dzehutano, kuvandudza hupfumi, kuwaniswa kwemvura yakachena pamwe nedzidzo.

Vachitaura neStudio 7, mumwe wemadzimai aya, Amai Melody Chikala, vanove mugari wekuGoromonzi, vati vari kushuvira hurumende inokoshesa nyaya dzehutano vachiti vari kurwadziwa zvakanyanya nevanhu vanofa nezvirwere zvinorapika.

Vati, “Tiri kudawo kuti hurumende kuzvipatara mishonga iwanikwe nevarapi vanogona basa. Pazvirwere zvegomarara vamwe vari kufa, mishonga iri kudhura havasi kukwanisa kuitenga."

Mumwe mutori wenhau, Muzvare Veneranda Langa, vaudzawo Studio 7 kuti pamusoro pekuda hurumende inosimudzira nyaya dzehutano, vari kutarisirawo kuwana hurumende inovandudza hupfumi hwenyika vachiti vanhu vari kunonga svosve nemuromo.

Muzvare Veneranda Langa
Muzvare Veneranda Langa

Vati, “Ndoda hurumende inogadzirisa nyaya yehupfumi nekuti zvinhu zvaora munyika, hapana kana chiri kufamba. Tiri kutadza kuwana mari kumabhanga , mari yacho haishandi nekuti haina simba. Vashandi hapana zvavari kutambira, vari kutambura zvekuti vamwe vari kutotengesa maputi mumahofisi pachinzvimbo chekushanda. Saka toda kuti hupfumi huvandudzwe vashandi vatambire.”

Muzvare Violet Rafemoyo, mumwe mugari wemuHarare, vati musarudzo dziri kuuya vachavhotera vatungamiriri vanokoshesa dzidzo. Vati, “ Isu tinoshuvira kuti vana vakwanise kuenda kuchikoro sezvo vana vazhinji vasiri kukwanisa kuenda kuchikoro vakagara. Ukada kutanga kuzoendesa mwana kuchikoro anenge atove kumakore gumi otanga grade 1 nenhau yekuti mari haisi kuwanikwa.”

Mamwe madzimai ataurawo neStudio 7 atsigirawo kuti budiriro yenyika inobva pavanhu vane hutano hwakanaka achitiwo ari kutarisira kuti hurumende inopinda igadzirise nyaya yekuwanikwa kwemvura.

Madzimai munyika anotiwo ari kupedza nguva yakawanda yaanofanirwa kunge achitsvaka raramo achitsvaka mvura yekushandisa nemhuri.

Mamwe madzimai ataurawo neStudio 7 atsigirawo kuti budiriro yenyika inobva pavanhu vane hutano hwakanaka achitiwo ari kutarisira kuti hurumende inopinda igadzirise nyaya yekuwanikwa kwemvura.

Madzimai anoti ari kuda kuvandudzwa kwenyika.
Madzimai anoti ari kuda kuvandudzwa kwenyika.

Madzimai munyika anotiwo ari kupedza nguva yakawanda yaanofanirwa kunge achitsvaka raramo achitsvaka mvura yekushandisa nemhuri.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo dzemwedzi uno akaparura hwaro hwaachafamba nahwo kana akakunda musarudzo anosanganisira CCC, ari kuvimbisa kuwanisa vavhoti dzidzo yepasi pachena, kugadzirisa nyaya dzehupfumi, kugadzirisa mari inotambirwa nevari pamudyandigere, kusimudzira nyaya dzekurima nekupa zvikwanisiro kuvarimi, kugadzirisa migwagwa yenyika nezvimwewo.

Ukuwo, bato riri kutonga reZnu PF kunyange hazvo risati raparura hwaro hwemafambiro arichaita kana rakakunda, riri kuti nhoroondo yebudiriro yaraunza munyika ndiyo inofanirwa kuve mucherechedzo wezvichawanikwa nevana veZimbabwe kana vakarivhotera zvakare kuti rive panyanga kwemamwe makore mashanu.

Sarudzo munyika dziri kuzoitwa musi wa23Nyamavhuvhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG