Accessibility links

Breaking News

High Court Inorasa Chikumbiro chaVaSavior Kasukuwere, Chekuti Statutory Instrument 140 A Iraswe Vachiti Inotyora Bumbiro reMitemo


Dare reHigh Court.
Dare reHigh Court.

Dare repamusoro reHigh Court rarasa chikumbiro chevaimbove nhengo yeZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, chekuti Statutory Instrument 140 A, iraswe vachiti inotyora bumbiro remitemo.

Statutory Instrument 140 A inovandudza nguva dzekuendesa mavhoti anotumirwa neposvo, kana kuti Postal Ballots, kuZimbabwe Electoral Commission (ZEC) kubva pamazuva gumi nemana kuenda pamazuva matatu sarudzo dzisati dzaitwa.

Asi mutongi wedare repamusoro Justice Twanda Chitapi vati semaonero avo SI iyi haishandure mutemo wesarudzo asi kuti yakaiitirwa kuti ZEC ikwanise kupa munhu wese mukana wekuvhota.

VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere

Munyaya yavo kudare iri VaKasukuwere vakati SI 140 A, iyo yakaiswa svondo rapfuura neZEC, kwaive kuvandudza mutemo wesarudzo izvo zvisingabvumidzwe kuitwa kana zuva resarudzo richinge ratarwa.

Asi Justice Chitapi vati semaonero avo, zvakaitwa neZEC hapana kutyora mutemo kwayakaita vachiti Electoral Act, iyo inotara nguva yekuendesa maPostal Ballot kuZEC, inopawo ZEC simba rekutora matanho ekuona kuti sarudzo dzafambiswa zvakanaka.

Nekuda kwaizvozvo vati SI 140A idanho rakatorwa neZEC nechinangwa chekuda kuona kuti vanhu zviuru gumi nezvinomwe vachavhota nenzira iyi vabudirira kuvhota, vakati vanhu ava vaitadza kuvhota vese dai vatambira chikumbiro chaVaKasukuwere ichi.

Asi rimwe remagweta aVaKasukuwere, Amai Jacqueline Sande, vati havabvumirane nemutongo waJustice Chitapi.

Amai Sande vati “Nhaizvozvo tiri kuti SI 140 A yamhura bumbiro remutemo. Asi Justice Chatapi vapikisana nazvo, vatiwo ivo kwete haina kumhura. Asi nesuwo tinoti kunyange tichavaremekedza Justice Chitapi tiri kupikisana nawo nekuona kwavo. Zvechokwadi kna uchinge wachinja mazuva kubva kumazuva gumi nemana uchienda kumazuva matatu, zvinoreva kuti watochinja mutemo.”

Gweta raVaKasukuwere, Amai Jacqueline Sande
Gweta raVaKasukuwere, Amai Jacqueline Sande

Vaenderera mberi vachiti vachagara pasi voona kuti votora matanho api, vachiti “Saka naizvozvo tichagara pasi toona kuti toita sei asi tiri kuudza ruzhinji rweZimbabwe kuti tiri kupikisana nemutongo wanhasi.”

Gweta reZEC, VaTawanda Kanengoni, vaudza dare kuti ZEC yakatora danho rekuisa S1 140 A nekuti kune nyaya dzakawanda dzinodarika zana dzakakwidzwa kumatare vanhu vachipikisa dare reNomination Court, izvo zvakaita kuti ZEC itadze kudhinda magwaro ekuvhotera nekuaendesa kuvavhoti vari kunze kwenzvimbo dzavanofanira kuvhotera nekuzoti vaadzose kuZEC mukati memazuva gumi nemana sezvinodiwa pasi pemutemo weElectoral Act.

Vati kusvika nhasi chaiko pane nyaya dzisati dzapera kusanganisira imwe yaVaKasukuwere, ndosaka ZEC yakaisa SI yekuti maPostal Ballots achidzorwa kuZEC mukati memazuva matatu kubva pazuva rekuvhota.

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

VaKasukuwere pachavo vakarambidzwa kukwikwidza sarudzo dzemutungamiri wenyika nematare eHigh Court neSupreme Court uye vari kupikisa mutongo weSupreme Court mudare iri zvakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG