Accessibility links

Breaking News

VeChidiki veZanu-PF, CCC neMamwe Mapato Vonyorerana Chibvumirano cheRunyararo


Vechidiki kubva kune mamwe mapato gumi nerimwe kusanganisira Zanu PF ne Citizens Coalition for Change (CCC), nhasi vasaina chibvumirano cherunyararo pasarudzo kana kuti Peace Charter and Peace Pledge apo vaita chitsidzo chekuchengetedza runyararo sarudzo dzisati dzaitwa, padzinoitwa, uye dzapera

Achitaura apo asaina chisungo ichi pachiitiko change chakarongwa nesangano re4H Zimbabwe, wechidiki ange akamirira Tripple C, Womberaishe Nhende ati chibvumirano ichi chakanaka pakuchengetdza runyararo munyika.

Nhende anoti “Nhaurwa yekuti tishandidzane zvakanaka murunyararo inofanira kuramba ichisundwa kuti iende mberi."

Vaenderera mberi vachiti, "Nekuti isu sevechidiki tikasaibatana, ticharamba tichiita vamwe vanotiza, ticharamba tichiita vamwe vechidiki vanoramba kupinda munhaurwa dzematomgerwo enyika vachiti kuno rohwa vanhu kunourawa vanhu.”

Izvi zvatsinhirawo neange akamirira Zanu PF uye ari murongi wemusangano mudunhu reHarare, Taurai Kandishaya. Kandishaya ati, “ Saka isu semusangano weZanu PF tiri kuda zvikuru kuti kuve nerunyararo sezvinotaura mutungamiriri wedu, VaMnangagwa." Vatizve, "Saka chirongwa chaitwa nhasi chekuti vechidiki vanyorerane chibvumirano zvatibatsira zvikuru kune vemapato anopikisa vanga vachityisidzira vanhu kuti tichaita mhirizhonga vatsiurika vadzoreka.”

Atiwo haabvimirane nekuti bato rake ndiro riri kukonzera mhirizhonga munyika.

Muzvare Annah Gochera veFreeZim Congress vati runyararo rwakakosha munyika. Vati, “Zvakanaka zvikuru kunesu vechidiki nekuti zvinoita kuti tizive kuti tine chibvumirano chinokoshesa runyararo munyika.”

Mumiriri weSwitzerland muZimbabwe vange vari munyarikani pachiitiko ichi, VaSephane Ray, vati chisungo chasainwa nhasi chakakosha vachiti kana chikatevedzwa Zimbabwe inoita sarudzo dzisina mhirizhonga.

Mukuru we4H Zimbabwe, VaJohn Muchenge vaudza Studio 7 chirongwa chanhasi ndechimwe chezvirongwa zvakawanda zvavanoita kuti munyika muve nerunyararo.

VaMuchenge vati “Kuumba runyararo zvidanho zvakawanda zvatinotora uye chatinovavarira kushanduura mafungiro nemaonero anoita vanhu vamwe."

Vaenderera mberi vachiti, "Tinofara kuti kubvira zvatanga mapato kutsvaga runyararo kusvika svondo rapfuura pakashaya munhu kuGlen View, mapato ari kuratidza kunzwisisa zvishoma nezvishoma.”

Vanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa nemashoko musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaTapiwanashe Chiringa vaudza Studio 7 vanotenda zviri kuitwa zvekuzvipira kuti munyika muve nerunyararo. VaChiringa vati, “Tinoona sekuti zvisungo zverunyararo zviri kusainwa chinhu chakanaka asi kana mapurisa nemakomisheni anochengetdza runyararo nekodzero dzevanhu kusanganisira Zimbabwe Human Rights Commission kana Zimbabwe Electoral Commission kana vasati vogona kuita basa ravo sezvakanyorwa mubumbiro remutemo zvinoshaya basa”

Masangano anoongorora runyararo nekodzero dzevanhu munyika nekunze anoti mhirizhonga munyika iri kuwedzera uye nyika haigona kuita sarudzo dzakachena kana pasina kuvandudzwa zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG