Accessibility links

Breaking News

ZRP Yokurudza vezveMatongerwo eNyika Kuti Vasagogodze Dzimba dzeVanhu


Zimbabwe Opposition
Zimbabwe Opposition

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti vezvematongerwo enyika havafanire kutsvaga rutsigiro husiku uye kufamba vachigogodza dzimba dzevanhu vachitsvaga rutsigiro sezvo zvichigona kuzokonzera.

Vachitaura pakupera kwemusangano wevatori venhau kuKariba nezuro, mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati vari kushushikana zvikuru nevezvematongerwo enyika vari kupedza misangano yavo kunze kwasviba. VaNyathi vati, “Tikati vanhu varambe vari pa rally kusvika kuma 7 vanozofamba sei? Vanhu vanogona kurohwa nematsotsi kana kuvharirwa nzira nekudaro hatikurudzire misangano inosvika manheru nekuti zvine njodzi”

Vatiwo kutsvaga rutsigiro vanhu vachigogodza dzimba dzevanhu kunogona kukonzeresawo mhirizhonga.

“Ma door-to-door haana kunakawo sezvo mumwe werimwe bato anogona kusatambirwa zvakanaka nemuridzi wemba kana asingade bato remunhu anenge asvika pamba pake”, VaNyathi vaudza Studio 7.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reCitizen Coalition for Change -CCC-VaOstalos Siziba vanoti vachaedza nepose pavanogona kutevedzera nguva dzavanenge vakazivisa mapurisa kuti vanopedza kutsvaga rutsigiro. Asi vatiwo, “Tichaedza kutevedzera nguva yatinenge tawirirana kupedza misangano nemapurisa.”
Panyaya yekurambidzwa kugogodza magonhi evanhu, VaSiziba vati uku kutyora kodzero dzevanenge vachida kuvhoterwa. Vaudza Studio 7 kuti, “VaNyathi vanoziva kuti nguva yesarudzo vanhu vanobvumirwa kutsvaka rutsigiro sezvo iri kodzero yavo” VaSiziba vanotsanangura

Asi vachipawo pfungwa dzavo, vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti vachateerera zvataurwa nemapurisa. VaMarapira vati, “Isu seZanu Pf tonozviisa pasi pemutemo, kana mapurisa atoona kuti vamise ma door-door kuti runyararo rwunge rwuripo isu tinozviremekedza.”

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo munyika rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network-ZESN- VaAndrew Makoni vati nzira yekutsvaka rutsigiro nekuenda mudzimba dzevanhu inoitwa munyika dzakawanda uye yagara ichiitwawo muZimbabwe. VaMakoni vati, “Ma door-to-door campaigns munyika dzakawanda inzira inoshandiswa kutsaka rutsigiro musarudzo. Chinhu chagara chichiitika kunyange munyika muno” VaMakoni tsigira VaSiziba

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaAleck Muchadehama vanotiwo kodzero dzeari kutsvaga rutsigiro nemuridzi wemba dzinofanira kuremekedzwa zvinoita kuti nyaya iyi ive gangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu. VaMuchadehama vati, “Kodzero dzeari kutsvaga rutsigiro neuyo anenge ari pamba pake dzinofanirwa kudyidzana”

Zimbabwe iri kuita sarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu asi patove nemutauro wakanyanya sezvo vanopikisa vari kuti vakanonoka kutanga misangano nekunyimwa mvumo nemapurisa.

Forum

XS
SM
MD
LG