Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vari Kutevera Zviri Kuitika muGadziriro yeSarudzo dzeGore Rino Vanoti Hazvisi Kufamba seZvinotarisirwa


Vamwe vanoti kuwanda kwenyaya dziri kumatare kuchanganisa mafambisirwo ebasa neZEC.
Vamwe vanoti kuwanda kwenyaya dziri kumatare kuchanganisa mafambisirwo ebasa neZEC.

Apo nyika yasarirwa nemazuva gumi nematatu chete kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika, vamiriri veparamende pamwe nemakanzuru dziitwe, vamwe vari kutevera zviri kuitika vanoti pachine zvakawanda zvine chekuita nesarudzo zvinoda kugadziriswa dzisati dzasvika.

Svondo rino takaona mutungamiri webato reMDC, VaDouglas Mwonzora, vachizivisa kuti vabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika vachiti vari kunyunyuta nekusafambiswa zvakanaka kwezvinhu neZimbabwe Electoral Commission.

Ukuwo, nyaya yekuti vari kuda kukwikwidza vakazvimirira, VaSavior Kasukuwere, vobvumidzwa here kukwikwidza kana kuti kwete ichiri yakangoturikwa kumatare edzimhosva.

Nyaya dzemhirizhonga dzine chekuita nezvematongerwo enyika dzinonzi dzichiri kuitika mune mamwe matunhu, bato reZanu PF richipiwa ndiro mhosva yekukonzera mhirizhonga iyi, kunyange bato iri richiramba kuti rine chekuita nazvo.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa

Izvi zviri kuitika panguva iyo mapoka akawanda kusanganisira vatungamiri vemapato ari kukwikwidza musarudzo, vemakereke nevemasangano akazvimirira vari kukurudzira kuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo.

Ukuwo ZEC haisati yazivisa zviri pamutemo kuti yati yandinda here kana kuti kwete mapepa ekuvhotera kana kuti ma ballot paper, uye nguva ichiripo here yekuzoashamba kune veruzhinji?

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti rwendo rwekuenda kusarudzo idzi rwune zvimhingamipinyi zvakawandisa kana vachienzanisa nenguva kubva zvavakatanga kuvhota.

"Eeh, hongu tinonzwa hedu kuti ZEC yakagadzirira, vari kukwikwidza vakagadzirira, asi zvibingamipinyi zvacho kubva ku delimitation, mapato achirambidzwa kukambena, matare ane mhosva dzakawanda dzakamirirwa, vamwe vachibuda, vanaKasukuwere vachirambidzwa. Haa, ndinofunga hangu kuti sarudzo iyi haina kuita zvakanakanaka," vanodaro vaNgwenya.

Vanoti sarudzo dzichangoitwa nekuti nguva yadzo inenge yasvika, asi kune kugunun'una kwanyanya kuwandisa.

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza vanoti semaonero avo nebato ravo gadziriro dziri kufamba sezvinotarisirwa sezvo zvese zviri kuitwa pachiteverwa mitemo.

"Isu sebato reZanu PF tagadzirira. Takamirira kuti zuva remusi wa 23 risvike. Ehe, pangangove nezvimhingamipinyi, kana vari kuedza kuti ma election asafambe mune zvakarurama kuburikidza nenyaya dziri kuenda kumatare nezvimwe zvakadaro, asi isusu sebato taita pedu patinokwanisa kunge tichiita," vanodaro VaMandaza.

Vanozvi zvimwe izvo vanozvisiira mumaoko emapoka akaita seZEC nemapurisa kuti vagadzirise.

Zimbabwe iri kuita sarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu paine vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika gumi nemumwe, pakati pavo paine mudzimai mumwe chete, Amai Elisabeth Valerio, vebato reUnited Zimbabwe Alliance, (UZA).

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG