Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Rwendo Rwuno Ichakunda muMaguta


ZANU PF Star rally in Harare
ZANU PF Star rally in Harare

Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro musarudzo dzirikuuya mumazuva mashoma asara, mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vati bato ravo richakunda vanopikisa zvine mutsindo mumaguta.

“Nekuwanda kwamakaita pano vanhu veHarare, zvinoratidza kuti Zanu-PF icharakasha igokunda zvikurusa musarudzo.” Vakadaro VaMnangagwa.

Vakashorawo mabasa ari kuitwa nevanopikisa mumadhorobha vachiti vari kukundikana zvopa kuti madhorobha azare masiwegi. Vakati, “Makore ose apfuura maisvasvangiwa nevebato rinopikisa, asi nhasi uno nokuti vakundikana kuchengeta maguta, movasvasvanga.”

Asi meya weHarare vari vebato reTripple C VaJacob Mafume vati havawirirane nezvataurwa naVaMnangagwa vachiti, “Isu tiri kuti tisu tiri kutsiva hurumende yeZanu-PF, ngaichibva nokuti zvese zvairi kubata zvirikufa mumaguta.”

Mutevedzeri waVaMnangagwa, VaConstantino Chiwenga vashorawo mutungamiri weCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vachivapomera mhosva yekuda kudyidzana nenyika dzekumadekoro.

“Ndizuro wandakanzwa kuti kana mandivhotera, ndobva ndati kuna Biden (Joe) chibvisa ma sanctions, ndochii ichocho?” VaChiwenga vakadaro.

Asi VaFelix Mafa vanova mumwe mutevedzeri wemutauriri webato iri varamba izvi vachiti ndezvemugotsi matsuro. VaMafa vati, “Zviri kurehwa naVaChiwenga kuti tirizvimbwasungata zvekunyika dzekumadokero, handizvo." Ivo ndivo zvimbwasungata zveku Russia nekuChina kurikubva varikuuya kuno kuzomora hupfumi hwedu pasina chavanoita,” VaMafa vakaudza Studio 7.

Mumwe ataura pamusangano wanhasi ndiVaPassion Java avo vakurudzira vanhu kuti vavhotere VaMnangagwa vachiti "vakaratidzwa mumweya VaMnangagwa vakurira musarudzo idzi."

Vaimbova nhengo yeCCC VaPaddington Japajapa vataura pamusangano weZanu-PF uyu nhasi vachiti, “Ndakaoona kuti hazvina maturo tichibva tatevera bato rinopikisa." Vatizve, " Taipupuruswa nemhepo. Takatevera tichibva taona kuti hakuna zviriko.”

Zvichakadai, mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vange vari kuNkayi nhasi vachitsvagawo rutsigiro pamberi pesarudzo dziri kuitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu.

Ukuwo vamwe vari kuda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika asi vachirambidzwa nematare VaSaviour Kasukuwere vadzokerazve kudare reConstitutional Court vachiti zita ravo rinofanira kuramba riri pane bepa richavhoterwa kana kuti ballot paper kusvika dare iri ranyotsopeta zvose zvavari kuti zvinofanira kuitwa kuti nyaya yavo ipere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG