Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Venhepfenyuro dzeMatunhu Vakaita Zvematongerwo eNyika Vachatorerwa Marezinesi


VOA Studio Mic
VOA Studio Mic

Hurumende iri kuyambira vatori venhau kuti vanyore chokwadi kwete kuwedzera kana vachinyora pamusoro penyaya dzesarudzo.

Vachitaura nhasi pamusangano wevatori venhau kuKariba, mumwe mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko Doctor Nanette Silukhuni vayambira
nhepfenyuro dzematunhu kana kuti community radio stations kuti
dzisanyore zvematongerwo enyika asi nezvebudiriro yenzvimbo yavanenge vakapihwirwa rezinesi.

“Kana community radio yave kutaura zvematongerwo enyika iri kuzviisa pakaipa sezvo inogona kushandiswa nevezvematongerwo enyika ivo vozotorerwa rezinesi” Dr Silikhuni vayambira vatori venhau.

Vaendererawo mberi vachiti, “Hurumende inokoshesa kutorwa kwenhau kuno cherechedza chokwadi kwete kuwedzera manyepo” Dr Silikhuni vanoenderera mberi

Asi mukuru wenhepfenyuro yedunhu reKariba yeKasambezi, VaJohn Chirinda vanoti nyaya dzose munyika dzinobatabata zvematongerwo enyika.

“Nyaya iripo ndeyekuti hatina kubudirana pachena kuti titsanangurirane kuti kana tiri kushandisa shoko rinoti politics tinenge tichiti kudii. Chinhu chese chatinorarama nacho hachigone kubviswa politics” VaChirinda vaudza Studio 7.

Zvichakadaro, mumwe mukuru weZimbabwe Electoral Commission anoona nezvetsvakiridzo , VaAntony Chikutsa vanoti kudhindwa kwemapepa ekuvhotera mutungamiri wenyika kwave kutoitwa
kunyange nyaya yekurambidzwa kupinda musarudzo kwaVaSaviour Kasukuwere isati yapera kumatare.

“Iye zvino tatove kudhinda mapepa ekuvhotera saka tiri kugadzirira zvakakwana sarudzo dzemusiwa 23 August.

VaChikutsa vanoti vave kumashure kwenguva vachiti matare akazobuda nemamwe maonero VaKasukuwere vakadzoswa musarudzo vanodhinda mamwe mapepa ekuvhotera.

Asi vachitaura neStudio 7 mukuru anoona nezvesarudzo VaUtoile Silaigwana vati tivatumire mubvunzo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Vachitaura pamusangano mumwechete, mutauriri wemapurisa munyika
Assistant Commisssioner Paul Nyathi vakurudzira vatori venhau
nevezvematongerwo enyika kuti vatevedzere mitemo yesarudzo.

“Kunyange nyaya yemapepa ekutsvaga rutsigiro anonamirwa, mutemo unoti muridzi wemudhuri anofanirwa kuziviswa." Vatizve, "Imi vatori venhau munofanirwa kuzvinyora kuti vari kutsvaka rutsigiro vazvizive” VaNyathi vanotaura

Hurumende inoti pane vatori venhau kubva kumasangano anodarika makumi
mashanu kubva kune dzimwe nyika vari kuda kuzotora nhau dzesarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG