Accessibility links

Breaking News

Parufu rweNhengo yeCCC, VaChamisa Vanoti Zvakaoma Kutsigira Zanu-PF nekuNamata paNguva Imwe Chete


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Mutungamiriri webato guru rinopikisa, reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa nhasi vaudza mhomho yevanhu vapinda pamunamato wekurangarira nhengo yebato ravo VaTinashe Chitsunge avo vakaponda mumhirizhonga yezvematongerwo enyika kuti vanofanira kutsiva kupodwa kwake nekuvhotera shanduko musarudso dza 23 Nyamavhuvhu.

Vachitaura kumba kwaVaChitsunge kuGlen View, VaChamisa vati vanoshushikana nekupondwa nekushungurdzwa kwenhego dzebato ravo kunyangwe vachiti vanoda runyararo.

VaChamisa vati, “Tinashe wabvutwa nekuti hupenyu hwadeuka haudzoke."

Vaenderera mberi vachiti, "Isu hatina bakatwa, hatina uta nemuseve. Chatinongova nacho mavhesi neshoko raMwari. Chatinongova nacho rugare rwatinarwo nerunyararo rwatinoda kuti ruve munyika.

Vaenderera mberi vachiti zvinorwadza kuti, “Chero sarudzo paurawa munhu, chero sarudzo papondwa munhu, chero sarudzo papiswa musha, chero sarudzo, mumwe wasungwa.

Vatiwo, “Izvozvi tichitaura vanaSikhala vari mujeri, mhosva yakapara Sikhala ndeyei, ndeyekuti akanomirira Moreblessing Ali, Moreblessing Ali ange aparei, anga aurawa nezvematongerwo enyika." Vatiwo, " Asi unoona mumwe munhu anoita kushinga, ndozvinondinetsa pamberi paMwari kuti zvingagone here kuti uve munhu anotsigira Zanu PF uchitenda kuti kuna Mwari kudenga.”

Vashorawo mutungamiriri wenyika nebato reZanu PF VaEmmerson Mnangagwa, nekusanobata maoko kumhuri yemufi vachiti zvinoratidza kuti havana hanya hehupenyu hwevanhu.

VaChamisa vati, “Pane kuti anzwe moyo uchirwadza, anzwe kushushikana abatewo maoko, haati bufu.

Vatizve, “Haatsiure vana vake vanoita mashura ekuuraya vanhu kana kutaura nezvazvo kuti zvakadai hazviitwi munyika yekwedu. Ndizvo zvinorangaridza nyika kuti munyika muno tine dambudziko.”

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mumwe ange ari parufu apa mutungamiriri webato rinopikisa kuSwaziland, rePeople’s United Democractic Movement, VaMlungisi Makhanya, vakurudzirawo veruzhinji kuti vavhotere shanduko musi wa23 Nyamavhuvhu vachiti izvi ndizvo chete zvingazorodze mwenya waTinashe.

Munin’ina wemufi, Edmore Chitsunga audza Studio 7 kuti mhuri yavo yarasikirwa zvikuru.

Asi zvaitika izvi zvinoradzwa, “Zvinonetsa kutambira asi unozongozvitambira kuti ndizvo zvaitika asi semhuri tarasikirwa zvikuru nekuti munhu wekuti tange takatarisira kuti remangwana rake , semunhu ange aine mhuri , munhunu aitarisira kuita chimwe chinhu pamhuri yake, kushandawo osimudzira mhuri yake, vana vake ovaendesa kuchikoro.”

Hanzvadzi yemufi, Muzvare Nyasha Faith vaudzawo Studio 7 kuti mhuri yese iri kurwadziwa nekupondwa kwaTinashe. Vati, “Ndarasikirwa zvakanyanya, ndiye munhu aivimba neni mukati mehupenyu hwake, chese chamutambudza kana kuti chaanoda kubatsirwa nacho kana kuti chanyanya kumuomera aiudza inini. Vatizve, “Ndaitoziva kuti kana foni yavo yapinda pane zvaavenenge vachida kutaura zvinenge zvavafadza.”

VaChitsungo vasiya mudzimai ane makore makumi maviri nemanomwe nevana vatatu uye mutumbi wavo unotarisirwa kuenda kumusha kwavo kuBuhera uko uchanoradzikwa mangwana.

Zvichakadaro, varume vapfumbamwe nevakadzi vana vakasungwa nemhosva yekupondwa kwaVaChitsunge vanzi vadzoke kudare nemusi weChitatu apo dare richapa mutongo waro pachikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavo.

Vakasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti vakangosungwa nekuti vanotungamira Zanu-PF muGlen View.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG