Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoungana muHarare paMunamato weKuonekana neGamba reNyika Uye Vari Vakavamba Kereke yeZAOGA, Archbishop Ezekiel Guti


Bhokisi rine mutumbi waArchbishop Ezekiel Guti riri muNational Sports Stadium, muHarare.
Bhokisi rine mutumbi waArchbishop Ezekiel Guti riri muNational Sports Stadium, muHarare.

Veruzhinji vaungana muHarare vachionekana nekupemberera hupenyu hwegamba renyika uye vari vakavamba kereke yeZAOGA (FIF) Ministries, Archbishop Ezekiel Handinawangu Guti, vazhinji vachivarumbidza semunhu aibatsira zvese pamweya nepanyama.

Mutumbi wevaive mukuru wekereke yeZAOGA Forward in Faith Ministries, Archbishop Guti, nhasi waendeswa kuNational Sports Stadium uko uri kutarisirwa kurara vanhu vachiita minamato husiku hwese kusvika mangwana.

VaMnangagwa naVaChiwenga.
VaMnangagwa naVaChiwenga.

Vachitaura pamhemberero yekucherechedza hupenyu hwaArchbishop Guti kwakare kuNational Sports Stadium, mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza mufi vakakurudzira vedzisvondo kuti vatevedzere tsoka dzaDoctor Guti mukuvandudza hupenyu hweveruzhinji.

"Naizvozvo mukucherechedza mabasa awa akanaka ndopa chinzvambe kune vedzisvondo kuti vagaroziva kuto nyika ibudirire vanhu vedu vanofanirwa kusimudzirwa kubva muhurombo.”

Vawedzera vachiti ramangwana rekereke rakajeka,” ZAOGA yakaiswa foundation yakasimba yemakore makumi matanhatu nematatu inopfuura mberi kubatana. ZAOGA ine hwaro hwerudo nekubatana.”

Vachitaurawo pachiitiko chanhasi ichi, Amai Eunor Guti, mudzimai waArchbisop Guti, vati mufi asiya nhaka mune zvakasiyana siyana zvehupenyu.

“VaGuti vatisiira nhaka yakakura isiri yemuchechi chete asi munezvese. Budiriro , rudo, kudana, kuve nehanya nevanotambura zvese vaiita isu tochitevera.”

Amai Eunor Guti.
Amai Eunor Guti.

Mumwe muparidzi wekereke yeZAOGA, VaChristopher Kapandura, vatiwo vafadzwa zvikuru kuti VaGuti vakapiwa ruremekedzo rwegamba renyika. Vati, ” Vakaunza budiriro munyika nekuunza rugare. Vakataura kuti munhu mutema haambofi akachinja kuva murungu nekudaro anofanirwa kuda nyika yake.”

//Act 5 Kapandura//

Amai Florence Makiseni, avo vabva kwaGutu kuMasvingo, vatiwo Archbishop Guti vakavaburitsa muhurombo hwavaive nahwo.”Zvakabatwa naVaGuti muhupenyu hwangu kushanda matarenda. Ndaive murombo ndisingatarisiki asi pandakadzidziswa kushandisa matarenda ndave zvandiri.”

Vamwe vakuru vemuhurumende vanga vari pachiitiko ichi vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe pane nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda. Vemakereke akasiyanasiyana vanosanganisirawo mutungamiri wekereke yeFamily of God, VaAndrew Wutawunashe, ndevamwe vezviuru zviri pakati pezvitatu nezvina zvevanhu zvaungana nhasi.

VaMnangagwa vachisvika kuNSS.
VaMnangagwa vachisvika kuNSS.

Vanhu vari kutarisirwa kurara vachipemberera hupenyu hwaVaGuti usiku hwanhasi, uye mangwana Svondo kwove nemunamato.

VaGuti vakashaya musi wa 5 Chikunguru kuSouth Africa vave nemakore zana ekuberekwa. Zuva rekuradzikwa nenzvimbo yavacharaidzikirwa hazvisati zvaziviswa.

Vachibva pamhemberero yehupenyu hwaArchbishop Guti, VaMnangagwa vabva vaenda kumusangano wekutsvagira bato ravo rutsigiro waitirwa kuMutawatawa kuMashonaland East.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG