Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeCCC Dzobvumidza Kukwikwidza Musarudzo kuBulawayo


Gift Ostallos Siziba Citizens Coalition For Change
Gift Ostallos Siziba Citizens Coalition For Change
Dare reSupreme Court nhasi ratambira chikumbiro chenhengo gumi nembiri dzeCitizen Coalition for Change nevamwe vana chekuti vaenderere mberi nekukwikwidza kuva nhengo dzedare reparamende kuBulawayo.

Vachitura mutongo uyu mumwe wevatongi vatatu vanzwa nyaya iyi Justice Hlekani Mwayera vati dare rarasa mutongo wakaitwa nedare reHigh Court muBulawayo uyo waiva warambidza nhengo idzi kukwikwidza vachinzi vakaisa mapepa avo nguva inotarisirwa nemutemo yadarika.

Izvi zvatsinhirwa nerimwe gweta range richimiririra nhengo dzeCCC VaPaidamoyo Saurombe vati,” Sekuziva kwenyu tanga tiri pamberi pedare reSupreme Court pamusoro penyaya yekubviswa kwenhengo dzeCCC kuBulawayo vari 12. Vatiwo, "Saka dare reSupreme Court rati nhengo idzodzo dzidzoswe dzikwikwidze kuBulawayo.”

Vachitaura nevatori venhau vakafanobata chigaro chemutauriri muCCC , Muzvare Fadzayi Mahere vatendawo kuti ndizvo zvaitika mudare.

Vaenderara mberi vachiti, “Zvinhu zvekuti zvinotirwadza nekuti vanga vasingafanirwi kubvisa pekutanga asi ndipo patari." Vatiwo, "Kune vagari tiri kuyambira kuti ngatibudei nehuwandu hwedu musi wa23 Nyamanhuvhu kuitira kuti tikunde nepakuru musarudzo dziri kuuya. HanzinaVaChamisa toda kuvaka Zimbabwe inoshandira munhu vese.”

Gweta revanhu gumi nevaviri vakakwidza nyaya iyi kudare VaThembinkosi Magwaliba havana kutaura nevatori venhau.

Asi vachitaura neStudio 7, vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaFarai Marapira vati mutongo wapihwa kumatare uyu unoratidza kusununguka kwematare.

VaMarapira vati, “Sebato reZanu PF tinogashira mitongo yese inoturwa namatare. Izvi zvinoratidza kuti matare enyika anozvimiririra hapana anovatuma sekutaura kunoita mamwe mapato. Isu tinokurudzira mitemo kuti itevedzerwe hatitarisi kuti zvanakira kwedu kana kupi tinongoremekedza matare enyika.”

Mune imwewo nyaya, mutongi wedare reConstitutional Court VaPaddington Garwe nemagweta arikumiririra mumwe wevari kuda kukwikwidza chigaro chemutungamiriri wenyika VaSaviour Kasukuwere, nemagweta aVaLovedale Mangwana avo vakaenda kumatare kunoti VaKasukuwere vasakwikwidze vaita musangano nhasi vakabvumirana kuti vachazeya nyaya yekuti yonzwikwanedare here kana kuti kwete svondo rinouya.

Gweta raVaMangwana VaLewis Uriri vanotsanangura zvaitika mudare, “Dare ranga richikumbirwa naVaKasukuwere kuti rimise kudhindwa kwemaballot papers asi vazobvisa chikumbiro ichi. Asi zvazonziwo zvakare chichemo chavo chekuti nyaya yavo inzwike neConstitutional Court chinzwike nechimbi-chimbi saka nyaya yacho ichanzwikwa neConstitutional Court musi weChipiri mangwanani.”

Gweta raVaKaSukuwere vaMethod Ndlovu vabvuma kuti izvi ndizvo ndozvaitika mudare.

Dare repamusoro reHigh Court nerepamusoro soro reSupreme Court akapa mutongo wekuti VaKasukuwere vasakwikwidza pachigaro chemutungamiriri wenyika vachinzi vaive vapedza mwedzi gumi nemisere vari kunze kwenyika.

Forum

XS
SM
MD
LG