Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa chekuChina Choramba Kuti Makambani eNyika Iyi Ari Kutyora Kodzero dzeVanhu muZimbabwe


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weChina VaXi Jinping

Sachigaro wesangano rinonzi African Empire Group VaSteve Zhao veku China varamba kutambira zvakabuda mutsvakurudzo yakaitwa nesangano reInformation for Development Trust iri mubhuku raparurwa nhasi rinoburitsa kwarinoti kusavimbika kwemamwe makambani ekuChina.

Bhuku iri rinonzi "Purses and Curses - Impact of Chinese Mining on Local Communities in Zimbabwe" rinopomera makambani ekuChina mhosva yekutyora kodzero dzevashandi.

Mukuru wesangano reIDT, VaTawanda Majoni, vati, “Bhuku rataparura nhasi ibhuku riri kuburitsa zviri kuitwa nemakambani ekuChina kuti tione kuti vari kutevedzera mutemo here.”

Asi vati, “Manga muchiti imi mabhizimisi mazhinji ekunze kwenyika anobva kuChina, asi handisi kuona izvi mubhuku renyu."

Vaenderera mberi vachiti, "Bhuku renyu riri kungoshora chete vanhu vanobva kuChina. Semunhu weku China agara muZimbabwe kwemakore, handibvumirani nepfungwa iri mubhuku renyu.”

Asi VaSizani Weza vanoshanda kuchikamu chekuburitswa kwemashoko kumuzinda weAmerica muZimbabwe vachitaura vakamiririra hurumende yeAmerica vati America inotsigira sangano reIDT mutsvakurudzo dzaro pasina kutora divi.

“Makambani aya anobva kunze kwenyika anofanira kutevedzera mitemo yemunyika zvisinei kuti makambani eku China, eku America kana kuBritain. Sangano reIDT rinoshnda rakazvimirira rega. Harinei nehurumende yeAmerica. Saka IDT isangano risingasarudze kuti rinoongorora makambani ekuChina kana eku America,” VaWeza vaudza Studio 7.

Asiwo vachipikisana nekuita kwaVaZhao, VaMajoni vati ivo zvanga zvakakosha kuti VaZhao vange vatanga vaverenga bhuku raparurwa nhasi iri vasati vakundwa nekugumbuka.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaida Saurombe, avo vanga varipowo pakuparurwa kwebhuku iri, vatiwo hurumende inofanira kuona zvekuita pamwe chete nemakambani aya anobva kuChina.

“Tirikuti hurumende inofanira kuchengetedza kodzero dzevanoshanda mumakambani ezvicherwa ichishanda nemakambani acho,” VaSaurombe vakadaro.

Mupepeti webepanhau reStandard, VaKholwani Nyathi, vati vatori venhau vanoshomekerwa nezvikwanisiro mukuita basa ravo nemazvo kuti vaburitse pachena zviri kuitika mumakambani anobva kunze kwenyika, zvakaita sekutyorwa kwekodzero dzevashandi pamwe nenyaya dzemihoro yevashandi.

Masangano evashandi eZimbabwe Federation of Trade Unions pamwe neZimbabwe Congress of Trade Unions, agara achinyunyuta nemashandiro emamwe makambani anobva kunze kwenyika, zvikuru anobva kunyika yeChina.

Ukuwo, mukuru wesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa munyika, reCentre for National Resources Governance, VaFarai Maguwu, vatiwo dambudziko rekusatevedzerwa kwemitemo nemakambani anobva kunze rinokonzerwa nekuti makambani aya anonyanya kushanda ari muhapwa dzevakuru vezvematongerwo enyika.

Asi gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, vakaudzawo Studio 7 kuti nyaya dzekusateverwa kwemitemo nemakambani ekunze kana kushungurudzwa kwevashandi dzinofanirwa kumhan’garwa kubazi ravo kuitira kuti patorwe matanho nekukasika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG